Zvechitendero
“Hatinamati Mwari Nekuti Pane Zvatinoda Asi Nekuti NdiMwari’ – Mufundisi Oliver Mandisodza

Mufundisi Oliver Mandisodza vanoti Mwari anonzwa minamato yedu uye anoteerera zvikuru. Vanopa mufananidzo waHabakuk, uyo akasangana nenguva yakaoma akaita minamato yake asi, pekupedzisira, Habakuk akati haana kunamata Mwari nekuda kwe zvaaizowana kubva kuna Mwari, achiti akarumbidza Mwari nekuti ndiMwari.
Mufundisi Mandisodza vanoti vatendi vemuZimbabwe vashinge vachiziva kuti hapana chinogona kuitika kana nguva yaMwari isati yasvika, vachitipa mufananidzo wemwana asingagone kuzvarwa kana mwedzi mipfumbamwe isati yakwana.
See all News Updates of the Day
'Kutambudzika Kwe Panyika Kunoda Kuti Tive Nehukama naMwari'

Umwe mutereri wechirongwa che Zvechitendero, kana kuti ‘Religious Forum”, anoti zvinomunetsa zvikuru kuti seyi vanhu vachitambura pasi pano asi ivo vachinamata nesimba uye nemwoyo yavo yese.
Mumhinduro netsananguro yavo, Mufundisi Oliver Mandisodza vanoti kana tasangana nematambudziko tinofanira kuzvininipisa pamberi paMwari, Vanopa mufananidzo waJob uyo asina kushora Mwari mukunetseka kwake kwose.
“Kana tasangana nematambudziko, tinofanirwa kuzvininipisa mberi kwa Mwari,” vanodaro Mufundisi Mandisodza.
- Marvellous Mhlanga-Nyahuye
Zvizvarwa zveZimbabwe Zvotarisirwa Kusangana kuWest Virginia muAmerica kuMusangano we African Apostolic Faith Inotungamirwa naVa Mwazha

Mufundisi Moira Mugobogobo, vekereke yeAfrican Apostolic Faith inotungamirwa naBishop Mwazha, vanoti vachange vane musangano mukuru uchatanga Chishanu paPotomac Christian Center iri mudunhu reWest Virginia muno muAmerica, apo parikutarisirwa zvizvarwa zveZimbabwe zvinobva pasi rose.
Mufundisi Mugobogobo vanoti gungano iri richange richinamatira vana veZimbabwe mune zvese zvinovashungurudza uye vachange vachinamatirawo nyika iyo yakatarisana nesarudzo gore rino.
Vanoti gungano iri rinenge risineyi nezvematongerwo enyika asi rinenge richinatira vese vachange vari musarudzo, uye pachange pane mabhishopu anobva kune dzimwe nyika, vachitarisira kuti vachakwanisa kuenda vachakomborerwa.
"Tiri kutarisira kuti vana veZimbabwe vanobva kunzvimbo dzakawanda pasi rose vawane mukana wekunyengetera nekuwadzana vari pamwechete vachitungamirwa muminamato nevafundisi vazhinji vachinamata pamwechete," Mufundisi Magobogobo vaudza Studio7.
"Takatarisira kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvizhinji zvichabuda kubva musi weChishanu kusvika musi weSvondo kuti tibatane pamunamato wekunamatira zvatinosangana nazvo muhupenyu kure nenyika yechizvarwa," Mufundisi Mugobogobo vaenderera mberi.
Vanoti kereke yavo ichange ichibatsira vanenge vasina chekufambisa kuti vakwanise kusvika kuPotomac Christian Center, iri kuWest Virginia.
"Vanhu Vangaziva Seyi Kuti Mwari Arikutaura Navo?"

Svondo rino, Mufundisi Rebecca Makayi, vekereke yePraise Covenant International Church, vanotsanangura nzira dzinoshandiswa naMwari mukutaura nesu, vachitsananguravo nzira dzekuti umwe neumwe wedu azive panguva iyo Mwari anenge achitaura naye.
Fananidzo yeMbeu Yakanaka neMasawi Inorondedzerwa

Mufundisi Doctor David Simango vanorondedzera pamusoro pechidzidzo chakataurwa naJesu Kristu pamusoro pembeu yakanaka nemashawi, paaitaura pamusoro pehumambo hwekudenga sezviri mubhuku raMatthew, Chapter 13.
- Marvellous Mhlanga-Nyahuye
Zvizvarwa zveZimbabwe Pasi Rose Zvokokwa kuMunamato Wekutanga Goredzva paZoom

Mufundisi Ever Mudambanuki vekereke yeMethodist vane munamato wavari kuita pamadandemuta unounganidza vatendi kubva kumakereke akasiyana siyana pasi rose kubva musi weSvondo Ndira 2 kusvika Ndira 9 gore rinouya.
Reverend Mudambanuki vanoti zvakakosha kuti veruzhinji vatange goredzva vachirumbidza Mwari. Vanoti vachange vane zvidzidzo kubva kune vafundisi vakasiyana siyana padandemutande reZoom uye vari kutarisira kuti vanhu vazhinji vachapinda muhuromgwa hwavo uhu.
"Tiri kutarisira kuti zvizvarwa zveZimbabwe pasi rose zvichapinda muzvidzidzo izvi zvichange zvichiitwa pachena padandemutande reZoom. Zvakakosha kuti gore ritange vanhu vachirumbidza Mwari sezvo zvichizobatsira kupa hwaro rwemafambiro achaita gore idzva ra2022," Reverend Mudambanuki vaudza Studio7
‘Kusiyana Kwemazuva Ekunamata Hakurevi Kuti Kune vaMwari Vakasiyana’ - Father Norman Tembo

Zvichitevera mubvunzo wakabva kune umwe mutereri wechirongwa kweZvechitendero, uyo anoda kuziva kuti kunamata pamazuva akasiyana kunoitwa nevechitendero chechiKrustu, kunoreva here kuti kuna vaMwari vakasiyana.
Mutereri anoda kuzivavo kuti chikonzero chekunamata mumazuva akasiyana kudai kwakatanga sei.
Reverend Father Norman Tembo, veAnglican Church, vanoshanda vari munharaunda yeGlendale/Mazoe, vanotsanangura vachiti kusiyana kwemazuva ekunamata hakurevi kuti vanhu vari kunamata vaMwari vakasiyana.
Father Tembo vanoti vanhu havasi kunamata vaMwari vaviri asi kuti zvinoenda nokuti vanhu vari kubatirira pane dzidziso ipi, yechitenderano chekare here kana kuti yechitenderano chitsva, kana kuti Old Testament kana New Testament.
Vanoti izvi ndizvo zvinokonzera kuti tivone vamwe vachinamata musi weMugovera sezvo kereke yavo ichikoshesa tsika dze chiJudha.
Father Tembo vanoti mazuva ose ndeaMwari, naizvozvo hatinamati Mwari nemusi weSvondo kana nemusi weMugovera chete asi tinokurudzirwa kunamata Mwari mazuva ose.
‘MaUnifomu EmaKereke Anopesanisa Vatendi’ – Mufundisi Rebecca Makayi

Zvichitevera mubvunzo wakabva kumutereri wechirongwa che zvechitendero pamusoro pemakereke anoti vatendi vavo vapfeke kana kufukambatya dzakafanana, kana kuti ma’uniform’, Mufundisi Rebecca Makayi vanotsanangura kuti, sekuziva kwavo, izvi zvakaitirwa kuti vatendi vaise pfungwa dzavo muminamato nekukudza Mwari vasingapedzi nguva vachitarisa zvakapfekwa nevamwe vatendi mukereke.
Asi Mufundisi Makayi vanoti nyaya yema’uniform’ yavekuparadzanisa vatendi vanofanirwa kushandisa nguva yavo vachirumbidza nekunamata Mwari vakabatana.Vanoti ma’uniform’ anokonzera kuti vatendi vatsvake vamwe vakafuka mbatya dzakafanana nedzavo, vachiona vatendi vedzimwe kereke sevanhu vasiri vatendi vanotambirwa naMwari.
Vanoti kune dzimwe nyika, dzakaita seAmerica, vatendi havana ma‘uniform’ avanofuka.
Mufundisi Mandisodza Vanopindurana NeVatereri Panyaya YehuN’anga

Zvichitevera mhinduro yakapiwa naMufundisi Oliver Mandisodza kumutereri, Clever Chokuda, pamusoro pen’anga, vamwe vatereri vakapindavo munyaya iyi.
Mufundisi Mandisodza varikutsinhidzira mashoko emu Bhaibheri uye pamire chitendero maererano nenyaya yen’anga.
“N’ganga Hadzisi Muhurongwa HwaMwari” - Mufundisi Oliver Mandisodza

Mutereri weZveChitendero, Clever Chokuda, anoti kazhinji achiona n’anga dzichirapa munhu arumwa nenyoka nekuti chipatara chinenge chiri kure.
Chokuda anoti akaona n’anga dzichirapa vanhu vakange varasika pfungwa, naizvozvo anoda kunzwisisa kuti sei vemaKereke vachituka nekuseka n’anga, vachiti n’anga dzinoshandiswa nemweya yetsvina asi, nedzimwe nguva, n’anga idzi dzichibatsira vanhu zvatinoona nemaziso edu.
Reverend Oliver Mandisodza vanoti mhinduro kumubvunzo uyu, dzizere muBhaibheri, semuna Revitico 19:26-31, nemamwe mabhuku.
Mufundisi Mandisodza vanoti, n’anga hadzisi muhurongwa hwaMwari.
ChiKristu Chinotii Pamusoro Penyaya Yekupiswa kweVafi?

Tsika yekupisa vafi yagara iripo kwezviuru nezviuru zvemakore asi mazuva ano vanhu vazhinji varikupiswa pachinhambo chekuti mitumbi yavo idzikiswe muguva.
Izvi zvinokonzerwa nezvinhu zvakawanda, zvinosanganisira kushaikwa kwenzvimbo dzemakuva, kutevedzera tsika dzemhuri nenyika, pamwe chete nekuedza kudzivirira kupararira kwezvirwere.
Vamwe vanoti kupisa vafi haisi tsika yechiKristu, vamwe vachiti hazvina mhosva.
Mufundisi Doctor David Simango vanopindura mubvunzo uyu wabva kune umwe mutereri, vachitsanangura pamire chiKristu panyaya iyi.
- Thomas Chiripasi
Vafundisi neVamwe Vobatana Mukuchema Prophet TB Joshua

Veruzhinji munyika vanoti vasuwiswa zvikuru nekushayika kwemutungamiri wesvondo yeSynagogue Church Of All Nations, Prophet TB Joshua, avo vakashayika neMugovera.
Svondo yeSynagogue Church Of All Nations, kana SCOAN, yakazivisa nezuro nezvekushaya kwemutungamiri wesvondo iyi, Prophet Tomitope Balogun Joshua, avo vanga vachizvikanwa nekunzi Prophet TB Joshua.
Veruzhinji muHarare vakaita saAmai Helen Muganhiwa vanogara mumusha weHatfield vanoti vakamboenda kuNigeria kuchechi yeSCOAN vachirwara vakanobatsirwa naProphet TB Joshua. Amai Muganhiwa vati varwadziwa zvikuru nekufa kwaProphet TB Joshua vachiti kufa murairo waMwari.
Mumwe mugari wekuChitungwiza, Muzvare Nelia Zvandasara, vanotiwo Prophet TB Joshua munhu anga achishumira Mwari ari pachokwadi vachiti mazuvano kwazara maporofita enhema. Amai Zvandasara vati Prophet TB Joshua vaiva muporofita aipa tsanangudzo dzezvinhu zvinoitika.
Mutungamiri wesvondo yeTehillarn Christian Network, Bishop Sam Malunga vati varwadziwa nekufa kwaProphet TB Joshua avo vavati vakararama hupenyu hwavo hwese vachishandira Mwari pamwe nekubatsira vanotambura.
Bishop Ancelimo Magaya vesvondo yeDevine Destiny vaudzawo Studio 7 kuti pane zvakawanda zvingadzidzwa neveruzhinji mukufa kwaProphet TB Joshua.
Bishop Magaya vati yave nguva yekuti mumwe nemumwe azvigadzirire denga dzvene rakevakaurudzira vamwe vatungamiri vedzisvondo kuti vatungamidze Jesu Kristu mumabatiro avanoita basa sezvaiitwa naProphet TB Joshua.
Zvichakadai, mufundisi wesvondo yeProphetic Healing and Deliverance Ministries, Prophet Walter Magaya avo vanoti vanga vachiona Prophet TB Joshua sababa vavo vaudza bepanhau reHerald kuti varasikirwa zvikuru nekufa kwaProphet TB Joshua vachiti vaiwanzotaura mambakwedza nguva nenguva vachipangwa mazano naProphet TB Joshua. Vamwe vatiwo varwadziwa nerufu urwi ndiProphet Uebert Angel vanotiwo vaimboshanda nemufi.
Prophet TB Joshua vanga vachiteverwa nevanhu vakawanda pasi rose avo vatevera mharidzo dzavo pachivhitivhiti cheEmmanuel TV.
Mhuri yemushakabvu yati ichazivisa hurongwa hwekuradzikwa kwavo munguva pfupi inotevera. Prophet TB Joshua vasiya mudzimai Evelyn nevana vatatu.
- Blessing Zulu
Prophet TB Joshua Vanoshaya neMugovera

Muporofita TB Joshua vekuNigeria avo vane mukurumbira pasi rose vanonzi vakashaya nemusi weMugover vave nemakore makumi mashanu nemanomwe.
Mashoko ari padandemutande ravo reFacebook anoti Prophet TB Joshua vakashaya vachiita basa raMwari mushure mekutungamira munamato asi hapana kutaurwa kuti vakafa neyi.
Prophet TB Joshua vakaberekwa musi wa12 Chikumi 1963 uye vaitungamira kereke yeSynagogue, Church of All Nation yaive nemukurumbira pasi rose. Nhepfenyuro dzakaita seVOA Hausa yekuNigeria, SABC News, BBC neCNN dzaburitsawo mashoko erufu urwu.
Vanhu vakawanda vaipota vachienda kuNigeria kuti vanonamatirwa neProphet TB Joshua zvakapa kuti muna 2014 vanhu zana negumi nevashanu kusanganisira zvizvarwa zvekuSouth Africa vashaye mushure mekuondomoka kweimwe imba yekereke iyi yaigarwa nevashanyi.
- Loirdham Moyo
Kereke yeAnglican Yoita Chibvumirano neCassava Chinobatsira Vagari kuManicaland

Kereke yeAnglican Church mudunhu reManicaland yaita chibvumirano nekambani yeEconet, yeCassava, icho chichasimudzira magariro evanhu munzvimbo dzinoshandira chechi iyi mudunhu iri.
Vachitaura mushure mekusaina chibvumirano ichi, bhishopu veAnglican Church muManicaland, VaErick Ruwona, vati vanotarisira kuti kuumbwa kwembani yechechi yavo yeHoly Trinity Enterprises kuchavandudza mararamiro evagari vemudzinharaunda nekuvawanira mabasa akasiyana siyana ekutengesa zvinhu zveCassava zvinosanganisira Ecosure, Moovar, Maisha, Vaya, neEcoFarmer.
Vati izvi zvichaitika munharaunda dzakasiyana siyana mudunhu reManicaland dzinosanganisira Chipinge, Nyanga, Chimanimani, Mutasa, Makoni, Mutare, uye neWedza kuMashonaland East.
Bhishopu Ruwona vati mushandira pamwe wavapo uyu uchabatsira vanhu munyaya dzehutano pamwe nekurwisa hurombo muvanhu vekumaruwa.
Vachitaurawo mushure mekusaina chibvumirano ichi, mumwe mukuru wekuEcosure, VaGodwin Mashiri, vati vanotarisira kuti hukama hwavepo uhu huchasimudzira magariro evakawanda, kunyanya kumaruwa, uko vati kune hurombo hwakanyanyisa.
VaMashiri vati vanotarisira zvakare kuti chirongwa chavo chichawanisa vagari mabasa uye kushandisa minda nenzira dzinowanisa vagari cheuviri.
Vicar General weAnglican Church, VaAbel Waziweyi, vati vafara zvikuru nedanho ratorwa nekereke yavo rekuedza kusimudzira vanhu mumharaunda dzinowanikwa machechi nezvipatara zvechechi yavo.
Vapinda pachiitiko chanhasi vanosanganisira vakuru vezvikoro zvechechi iyi zviri mudunhu reManicaland, vakuru vemachechi mudunhu iri, pamwe nevamwe vane zvigaro zvepamusoro zveDiocese yeAnglican Church of the Province of Central Africa.
MaKristu Opembererera Kumuka kwaMambo Jesu

MaKristu akawanda pasi rose ari kupemberera zuva rekumuka kwaJesu kubva muvakafa kana kuti Easter Sunday vari mudzimba nekuda kwechirwere cheCoronavirus chauraya nekubata vanhu vakawanda munyika dzakawanda.
MuAmerica mune vanhu vanodarika mamiriyoni zana kana kuti 100 million vabayiwa nhomba yeCovid-19, vanhu mune mamwe matunhu vaenda kumakereke.
KuAustralia uko kunonzi hakuna vanhu vari kutapurirana chirwere ichi munharaunda vanhu vakwanisa havo kuenda kuchechi pasina matambudziko.
Asi kuItaly vanhu vari kukurudzirwa kuti vagare mudzimba senzira yekuyedza kudzivirira kupararira kwechirwere ichi.
Vachitaura past Peter’s Basilica kuVatican, Italy nemusi weSvondo, Pope Francis vati vatendi kuti vasarase tariro munguva ino yekuomerwa nerima rakanzerwa nechirwere cheCovid-19. Vanhu vashoma ndivo vange vari pachiitiko ichi pachityirwa kupararira kwechirwere cheCovid-19.
Mutungamiri weConfederation of Zimbabwe Retailers VaDenford Mutashu, vange vari parunhare muHarare
Mumwe mutendi anopinda kereke yeRoman Catholic VaObert Sifile vanoti zuva ranhasi rakavakoshera sezvo riri zuva ravano dzikinurwa mukutadza kwavo. VaSifile vanoti chikirisito hupenyu uye vanokurudzira kuti vanhu vabatane sezvimwe zvinhu zvakafira Jesu.
Mumwe mutendi Sister Esther Kurisa vanoti zuva rekumuka kwJwesu rinoreva kutanga kwehupenyu hutsva.
Mufundisi wekereke yeEnd Time Message Brother Tonderai Makaya vanoti kumuka kwaJesu kunokosha muhupenyu hwechikirisitu vachiti vanhu vanofanirwa kumuka vove nematauriro, mafungiro nemaoneri ezvinhu matsva.
Munyori mukuru weZimbabwe Council of Churches -ZCC-Rev Kenneth Mtata vanoti chitendero chechikirisitu chakazembera parumuko rwaJesu uye simba rerufu harichabata mutendi wechokwadi.
Mutungamiri webato guru rinopikisa munyika reMDC Alliance uye vari mufundisi VaNelson Chamisa vanoti zororo reEaster richaunza tariro munyika nekuti Mwari vanehanya nenyika ino.
VaChamisa vagkurudzira vanhu kuti vatsungirire sezvo paine chiedza munyika.
Asi vatendi vakawanda avo vanogara vachirangarira zuva ranhasi nekufumo famba mumigwagwa mambakwedza vachiimba havana kuita izvi senzira yekuyedza kudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 icho chauraya vanhu vanopfuura chiuru namazana mashanu munyika.
Facebook Forum