Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nhasi vanyevenutsa zvikuru mitemo yeCovid-19 kubva paNational Lockdown Level Four kusvika paNational Lockdown Level Two.
Vachizivisa nezvedanho iri, VaMnangagwa vati mabhimisi ave kuvhura kutanga nguva dza8 mangwanani kusvika kunguva dza7 manheru kozoti mabhawa emu mahotera achavhura na8 mangwanani achivhara na10 manheru.
Zvitoro zvinotengeswa doro zvava kubvumidzwa kushanda kubva na10 mangwanani kusvika na4 masikati kozotiwo mamwe mabhawa acharamba akavharwa.
Vatiwo vanhu vave kubvumidzwa kufamba vachienda kumadhorobha akasiyana siyana.
VaMnangagwa vati magungano ave kubvimidzwa kuve nevanhu vasingadarike zana uye pamabasa pachange pave kubvumidzwa zvikamu makumi mashanu kubva muzana zvevashandi vese.
Vatiwo vanouya munyika vachibva kune dzimwe nyika vanosungirwa kunge vaongororwa hutachiwona hweCovid-19 vachishandisa PCR mukati memaawa makumi mana nemasere vasati vapinda munyika.
VaMnangagwa vati denda reCovid-19 richipo nekudaro vanhu vanofanirwa kuchenjerera nekutevedza nzira dzekudziviriri denda iri zvikuru sei mushure mekunge bazi reWorld Health Organisation razivisa kuti pave neimwe mhando yeCovid-19 inobata vanhu nyore.
VaMnangagwa vati vachaongorora kuti zvinhu zvinenge zvakamira sei mukati memasvondo maviri anotevera.
Mutungamiriri wesangano reConfederation of Zimbabwe Retailers, VaDenford Mutashu, vaudza Studio 7 kuti vafara nedanho ratorwa nehurumende vachiti vange vakatoisa chikumbiro chekuti nguva yekuita basa iwedzerwe.
Vati vemabhizimisi vange vari kubayisa vashandi vavo nhomba yeCovid-19 uye chasara kuti vatengi vabayiwewo kuitira kuti chirwere ichi chisarambe chichipararira munyika.
Sachigaro wemachiremba anoshanda akazvimirira, Dr Johannes Marisa, vaudza Studio 7 kuti danho ratorwa nehurumende rakanaka chose asi vakati vanhu havafaniri kurasa muswe sezvo denda reCovid-19 richiripo.
Vaive gurukota rezvehutano panguva yehurumende yemubatanidzwa zvakare, uye vari munyori wezvehutano muMDC Alliance, Dr Henry Madzorera, vaudza Studio 7 kuti dai nyika yavhurwa kuitira kuti vanhu vaite mabasa anovararamisa asi vachitevedzera mitemo yeCovid-19.
Hurumende yakazivisa nezuro kuti vanhu gumi nemumwe chete vakafa nechirwere cheCovid-19, uye vanhu zana nemakumi maviri nemumwe chete vakabatwa neCovid-19 nezuro vwakare.
Vanhu vafa nechirwere ichi vakanga vava zviuru zvina nemazana mana nemakumi mapfumbamwe nevatatu (4 493), uye vabatwa nechirwere ichi vakanga vava zviuru zana nemakumi maviri nezvishanu nemazana matanhatu nemakumi manomwe nemumwe chete, (125 671).
Kusvika mukupera kwezuva nezuro vanhu mamiriyoni maviri nezviuru mazana manomwe nemakumi maviri nezvipfumbabwe nemazana mapfumbamwe nemakumi mashanu nemashanu,( 2 729 955) vainge vabayiwa nhomba yekutanga uye miriyoni nezviuru zvinomwe nemakumi maviri nezvisere nemazana manomwe nemakumi mapfumbabwe nevanomwe, (1 728 797) vainge vabayiwa nhomba yepiri.
Huwandu uhu hunogona kukwira nhasi manheru apo hurumende ichazivisa zvayawana muongororo dzaitwa nhasi.
Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana kuitira kuti Covid-19 isarambe ichipararira munyika.
Zimbabwe yava nenhomba mamiriyoni gumi nematatu dzapinda munyika.
Facebook Forum