Accessibility links

Breaking News

ZCTU Yokumbira Kuti Hurumende Ichengetedze Mabasa eVashandi muLockdown


ZCTU President Peter Mutasa
ZCTU President Peter Mutasa

Sangano rinomirira vashandi, reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, rinoti hurumende inofanira kuchengetedza vashandi kuitira kuti vasarasikirwe nemihoro pamwe nemabasa avo zvichitevera kusimbaradzwa kwematanho ekudzivirira Covid-19 kusvika paLevel 4 izvo zvinoderedza nguva nehuwandu hwevashandi vanenge vari pabasa.

Mamwe matanho akatorwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, ndeekudzivirira kupararira kweCovid-19 anosanganisira kuderedza nguva yebasa kutanga na 8 mangwanani kusvika 3:30 masikati.

Huwandu wevashandi pabasa hwaderedzawokusvika pazvikamu makumi mana kubva muzana.

Mutungamiriri weZCTU, VaPeter Mutasa, vaudza Studio 7 kuti vanokoshesa hutano hwevashandi asi vakati vashandi nemhuri dzavo vanodawo kuramba vachirarama mukati medenda reCovid-19.

Vakurudzira hurumende kuti iwanise vanhu nevashandi vese mishonga yekuzvidzivirira kuchirwere cheCovid-19.

Asi mutungamiriri wesangano revashandirwi, reEmployers Confederation of Zimbabwe, Dr Israel Murefu, vaudza Studio 7 kuti vanotsigira matanho ehurumende nekuti kupararira kweCovid 19 kunokanganisa mabhizimisi.

Asi vati vange vasingatarisire matanho akaomarara aya vachiti anokanganisa mashandiro emakambani zvinozoita kuti arasikirwe nemari uye kuti atadze kuramba achibhadhara vashandi vasiri pabasa.

VaMurefu vati shuviro yavo yange iri yekuti dai makambani aramba akavhura zvizere.

Pakushandira kumba, vati vashandi vashomanana vanokwanisa kuita izvi sezvo makambani akawanda asina michina inobatanidza makambani nevashandi kudzimba dzavo. Vatiwo pane mamwe mabasa asingaite kushandira kumba.

Hatina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi sezvo gurukota rezvevashandi nekugara zvakanaka kwevanhu, VaPaul Mavhima, vange vasiri kudaira nharembozha yavo.

Nyanzvi munyadza dzehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic, Development Research Institute of Zimbabwe, Dr Prosper Chitambara, vati ichokwadi kuti maLockdown anoita kuti vashandi varasikirwe nemabasa uye hurumende inofanira kutsigira makambani kuitira kuti akwanise kuramba achibhadhara vashandi

Covid iri kuramba ichipararira zvakanyaya munyika uye nezuro yakabata vanhu churu nemazana maviri nemakumi mana nevapfumbamwe (1 249) ikauraya vanhu gumi nevaviri.

Izvi zvakazvitsa huwandu hwevanhu vabatwa neCovid-19 pazviuru makumi mana nezvisere nemazana mashanu nemakumi matatu nevatatu (48 533) uye vafa vava churu nemazana manomwe nemakumi matanhatu nemumwe (1761).

Vabaiwa nhomba yekutanga vave mazana manomwe nemakumi manomwe ezviuru nemazana manomwe nevapfumbabwe (770 709) uye zviuru mazana mashanu nemakumi mana nezvina nemazana masere nemakumi masere nevasere (544 888)vakabaiwa nhomba yepiri nezuro.

Huwandu uhu hunogona kukwira nhasi manheru apo hurumende ihazivisa zvayawana nhasi.

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi, kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzanasenzira sekudzivirira kupararira Covid-19.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG