Accessibility links

Breaking News

Nyakupomerwa Mhosva Yekuponda neKubata Chibharo Madzimai kuMash.East Osungwa Mazita eVafi Achiziviswa


Mapurisa azivisa kuti akasunga mumwe murume, Bright Zhantali uyo ange anetsa kubira, kubhinya nekuuraya madzimai kuMashonaland neManicaland kubva musi 14 Ndira kusvika musi wa12 Kurume gore rino.

Bright Zhantali uyo ane makore makumi matatu eku berekwa akasungwa nemugovera wapfuura ari kumba kweshamwarikadzi yake kuEast View kuGoromonzi.

Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner, Paul Nyathi, vaudza Studio 7 kuti kusvika pari zvino, Zhantali aratidza mapurisa nzvimbo pfumbamwe dzaakaparira mhosva dzaari kupomerwa.

Pamhosva yekutanga, Zhintali ari kupomerwa mhosva yekubata chibharo nekuponda Amai Mercy Simairi vaive nemakore makumi maviri nemasere (28) paRoughness Farm kuMarondera, pamhosva yechipiri anonzi akaponda Amai Chipo Gwese vaive nemakore makumi mana (40) kwaNdudzo kuHwedza mushure mekurara navo.

Zhantali akaurayawo Amai Betty Mlambo vaive nemakore makumi mana nematatu (33) kuDombotombo Marondera, Amai Stell Zuze vaive nemakore makumi mashanu nemana (54) kuGoromonzi, Amai Nelia Maringe aive nemakore makumi mana nemana (44)kuGrasslands kuMarondera, Amai Fadzai Muchadenyika kuMacheke, Amai Meggie Kaombe vaive nemakore makumi matanhatu nerimwe (61) kuHunyani Golf Course kuMarondera uye Amai Petronella Tsoka vaive nemakore makumi mana nemapfumbamwe (49) kuYellow City kuMarondera.

VaNyathi vatenda veruzhinji nekubatsira Mapurisa kuti mhondi iyi isungwe. Parunyerekupe ruripo rwekuti Zhantali ange abuda mujeri mushure mekubhadhara mari yechibatiso, Nyathi vati vari kuongora zvese izvi.

Vamwe Amai vainamata nemumwe mudzimai akaurawa naZhantali vaudza Studio 7 kuti Zhantali anofanira kupihwa mutongo werufu akabatwa nemhosva.

Sachigaro wesangano reWomen's Coalition Amai Ervernice Manando vati vanoshushuskana zvikuru nenyaya iyi asi vakati vafara kuti ari kufungidzirwa kuti mhondi iyi yasungwa.

Vaenderera mberi vachiti panofanira kuitwa ongororo yakasimba nekuti havafunge kuti Zhantali aishanda ega

Zhantali anotaririsirwa kumiswa pamberi pedare kuMarondera kana Mapurisa achinge apedza kuferefeta nyaya dzake.

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG