America Yovhota muna 2020
- Blessing Zulu
VaTrump Votsvagira Maseneta eBato Ravo Rutsigiro kuGeorgia Asi VaChigunun'una Kuti Vakabirirwa Sarudzo

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump neMugovera vakaenda ku Valdosta, Georgia kunobatsira kutsvagira rutsigiro vari kukwikwidza vakamirira bato remaRepublicans musarudzo mbiri dzakakosha zvikuru dzedare reSenate.
Vakamirira maRepublicans ndiVaDavid Perdue naAmai Kelly Loeffler. Vakamirira maDemocrats ndi VaRaphael Warnock naVaJon Ossoff. Sarudzo idzi dziri kuitwa musi wa5 Ndira uye bato rinokunda ndiro rinenge rotonga mudare reSeneti.
MaRepublicans parizvino ane zvigaro makumi mashanu uku maDemocrats aine makumi mana nesere. MaDemocrats akakunda zvigaro zviviri izvi zvinoreva kuti mapato anenge aine zvigaro zvakaenzana zvichipa mukana mutevedzeri wemutungamiri wenyika Amai Kamala Harris simba rekuvhota zvinozobatsira maDemocrats.
Kunyangwe VaTrump vakakundwa mudunhu re Georgia iri nevakasarudzwa kutungamira nyika VaJoe Biden nemavhoti zvuru gumi nezviviri, VaTrump vari kutsika madziro vachiti vakakunda uye sarudzo dzakabirirwa.
VaBiden ndivo mutungamiri webato ravo abudirira musarudzo dzekuGeorgia kubva muna 1992. Vasati vaenda kuGeorgia, VaTrump vakafonera gavhuna wedunhu iri VaBrian Kemp kuti vakururudzira nhengo dzedare ravo kupikisa zvakabuda usarudzo asi VaKemp vakatsika madziro.
Nyaya yaVaTrump yekuti sarudzo dzakabirirwa asi vasina humbowo inonzi nevamwe mubato iri vakaita seimwe shoroma inobatsira bato iri VaDan Eberhart zvave kukanganisa chimiro chebato uye zvinogona kukanganisa vari kumirira bato ravo muGeorgia.
Asi vamwe vakaita sechipangamazano chemutauriri wedare reSenate vari kubato remaRepublicans, VaMitch McConnel, VaJosh Holmes vanoti hapana humbowo hwekuti vatsigiri vavo vacharegera kunovhota.
Kushanya kwaVaTrump kuGeorgia kuri kuuya apo dunhu reCalifornia rakavhota kutambira zvakabuda musarudzo zvichireva kuti VaBiden vakabva vasvika mavhoti anodiwa kutungamira nyika kana kuti 270 Electoral College votes.
Asi vasati vatora mhiko musi wa 20 Ndira gore rinouya, Matunhu ose achasangana musi wa14 Zvita achivhotawo kazhinji vachingotevera zvakabuda musarudzo. Musi wa 6 Ndira, dare reCongress richangosarudzwa dzinovhotawo zviri pamutemo nekudoma mutungamiri wenyika mutsva zviri pamutemo.
- Jonga Kandemiiri
Mutungamiri weAmerica, VaTrump, Vanoti Vanobuda muWhite House Kana veElectoral College Vakavhotera VaBiden

Mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, nemusi weChina vakati vanobva chete pamuzinda weWhite House kana vanosarudza mutungamiri wenyika vanozivikanwa seElectoral College, vakasarudza VaJoe Biden senhu akakunda musarudzo dzakaitwa musi wa 03 Mbudzi gore rino.
Aka ndekekutanga kuti VaTrump vaswedere pedyo nekubvuma kuti vakakundwa naVaBiden musarudzo idzi, kunyange hazvo vari kuramba vachidzikorora mashoko avo ekuti sarudzo dzakabirwa zvine mutsindo kunyange vasiri kuburitsa humbowo hwacho.
Vachitaura kuvatori venhau pazororo reThanksgiving vari pamuzinda wavo weWhite House, VaTrump vakati kana VaBiden, vebato reDemocratic Party, avo vanofanirwa kutoreswa mhiko musi wa 20 Ndira gore rinouya, vakanzi neElectoral College ndivo vakakunda musarudzo, vanobuda mumuzinda weWhite House.
Asi VaTrump vakati zvinenge zvakaoma kuti vatambire kuti vakundwa vachitarisa mamiriro akaita zvinhu pari zvino uye vakaramba kubuda pachena kuti vachange vari pamabiko ekugadzwa kwaVaBiden here kana kuti kwete.
VaTrump vakadzokorora zvakare kuti sarudzo idzi dzakabirwa panguva iyo vari kuenderera mberi nekusaburitsa humbowo hwekuti sarudzo hadzina kufambiswa zvakanaka.
VaTrump vakambenge vataurawo kuburikidza nevhidhiyo nenhengo dzemauto eAmerica vachidzipa mashoko ezororo reThanksgiving.
VaBiden vakakunda nezvigaro mazana matatu nezvitanhatu, kana kuti 306, zvakawanda kudarika mazana maviri nemakumi manomwe, kana kuti 270, zvinodiwa kuti munhu anzi ndiye akunda musarudzo, zvichienzaniswa nezvakawanikwa naVaTrump zvinosvika mazana maviri nemakumi matatu nezviviri, kana kuti 232.
VaBiden vari kutungamirawo VaTrump nemavhoti anodarika mamiriyoni matanhatu pakuve munhu akafarirwa nevanhu vakawanda kana kuti popular votes.
VaTrump nevabatsiri vavo vari kuzama nepose pavanogona kuti zvakabuda musarudzo mumatunhu akakosha zvishandurwe vachishandisa matare edimhosva kana kuedza kumanikidza vatungamiri vematunhu kuti vapindire, asi izvi zviri kuramba, izvo zvavasiya vasisina pekubatirira.
MuAmerica, munhu anoita mutungamiri wenyika ndokunge chete awana mavhoti akawandisa kubva kuvanodomwa nematunhu ava, kana kuti Electoral College, kwete nekuti awana mavhoti akawandisa musarudzo inovhotwa everuzhinji.
Vanovhota ava, kana kuti maElectors, vanodomwa nematunhu ose emuAmerica ari makumi mashanu pamwechete nedunhu reDistrict of Columbia, kana kuti D.C., kuti ave matunhu makumi mashanu nerimwe.
Vanodomwa zvichienderana nehuwandu hwevanhu mumatunhu aya, uye vanenge vari nhengo dzebato dzinenge dzazvipira kutsigira anenge akamirira bato musarudzo kana achinge akunda musarudzo inovhotwa neveruzhinji vemudunhu ravo.
- Marvellous Mhlanga-Nyahuye
Zvinhu Zvoramba Zvakaita Manyama Amire neRongo muAmerica

Zvinhu zvoramba zvakaita manyama amire nerongo muAmerica zvichitevera kutsika madziro kuri kuita mutungamiri wenyika iyi, VaDonald Trump, avo vari kuramba kutambira kuti VaJoe Biden ndivo vakakunda musarudzo yemutungamiri wenyika.
Nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika, muzvinafundo Doctor Moses Rumano, vanoti zviri kuitika izvi zvinoita kuti america ishaye rukodzo pasi rose.
VaRumano vanoti vanoona zvichigadzirisika musi wekugadzwa kwaVaBiden usati wasvika sezvo America iine mitemo inokwanisa kushandiswa kuitira kuti masimba atambidzwane zviri pamutemo.
"Kunyange hazvo tiri kuwona vaviri ava vachitatsura panyaya yekutambidzanwa kwemasimba bumbiro remitemo emuno muAmerica ndiro richashandiswa sezvo muno mune hutongi hwejechetere zvinoita kuti VaJoe Biden vagadzwe musi wa Ndira 20, gore rinouya pasina dambudziko," Doctor Rumano vadaro.
- Marvellous Mhlanga-Nyahuye
Kutambidzana kweMasimba Konetsa muAmerica

Nyanzvi munyaya dzezvehutano dzinoti kusatambidzanwa kwemasimba nechimbi chimbi kuri kuitika muAmerica pakati pemutungamiri wenyika pari zvino, VaDonald Trump ve Republican Party, pamwe nevakasarudzwa semutungamiri mutsva, VaJoe Biden veDemocratic Party, kuri kushamisa veruzhinji pasi rose.
Nyanzvi idzi dzinotiwo kushaikwa kwemushandira pamwe uku kunokwanisa kuwedzera kwehundu hwevanhu vari kubatwa nechirwere checovid-19 munyika iyi sezvo pasina hurongwa hwakajeka pakutambidzanwa kwemasimba.
Hurumende yaVaTrump haisati yatambira zviri pamutemo kuti Va Biden ndivo vakakunda musarudzo yemutungamiri wenyika, uye ivo VaTrump pachavo, vakatokwidza mumatare kupikisa kwavo zviri kubuda mumavhoti ari kuverengwa mumatunhu akasiyana siyana vachiti zvinhu hazvina kufambiswa negwara rinotarisirwa.
Gakava rekutambidzana masimba iri riri kuitika panguva iyo huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere cheCovid-19 hwuri kuramba huchikwira muAmerica.
Kunyange hazvo VaBiden vakatodoma chikwata chavo chiri kufambisa nyaya dze Covid-19, dambudziko riripo nderekuti chikwata chaVa Biden ichi, chinofanirwa kupangana mazano nevakuru vakuru vezvehutano muhurumende ye America, izvo zvisati zvaitika sezvo bazi re General Services Administration risati ratambidza chikwata chaVa Biden svumbunuro dzekushandisa mahofisi ehurumende, pamwe nekupihwa mari inosvika mamiriyoni gumi emadhora.
VaBiden vanofanirwa kudoma vanhu vanosvika zviuru zvina vachange vachitungamira mapazi ehurumende pamwe nekuva nezvinzvimbo zvepamusoro soro.
Pavanhu ava, chiuru chimwe chete nemazana maviri nemakumi mashanu, vanhu vanofanirwa kutambirwa nedare re Senate kuti vatore zvigaro zvepamusoro muhurumende.
VaBiden vari kutarisirwa kutora mhiko yekuva mutungamiri mutsva musi wa Ndira 20, 2021.
Imwe nyanzvi munyaya dzehutano pamwe nezvematongerwo enyika, Dr Simbiso Ranga, vanoti kunonoka kutambidzana masimba kuri kuitika kuchaita kuti dambidzo reCovid-19 riremera America zvikuru.
- Marvellous Mhlanga-Nyahuye
VaTrump Votemesa Vakawanda Musoro neKuramba Kutambira Sarudzo

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump nemusi weSvondo vanenge vakatenda kekutanga kuti mutungamiri webato remaDemocrats VaJoe Biden ndivo vakakunda musarudzo dzemusi wa 3 Mbudzi kunyangwe havo vari kuti havasi kutambira zvakabuda musarudzo.
VaTrump vakanyora mashoko avo pandemutande ravo reTwitter asi hapana kana humbowo hwavari kupa hwekuti sei vari kuti sarudzo hadzina kufambiswa zvakanaka.
Kunyangwe VaTrump vakaendesa nyaya dzimwe kumatare vachiti sarudzo hadzina kufambiswa zvakanaka, zhinji dzacho dzakaraswa nematare nenyaya yekushaya humbowo.
Vari kutungamira mabasa muhurumende iri kuuya yaVaBiden, VaRon Klan vanoti zviri kutaurwa naVaTrump hazvina nematuro ose uye hazvikanganise vaBiden kutungamira nyika.
Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika Doctor Gadziro Gwekwerere, vanoti zviri kuitika izvi zvinoshaisa nyika yeAmerica chiremera pasi rose uye zvino fanirwa kugadziriswa nechimbi chimbi.
- Marvellous Mhlanga-Nyahuye
Chimwe Chizvarwa cheAmerica Chakambo Gara kuZimbabwe Chofadzwa Nekukunda kwaVa Joe Biden Vebato Rema Democrats.
Chimwe chizvarwa cheAmerica chakambo gara kuZimbabwe chofadzwa nekukunda kwaVa Joe Biden vebato rema Democrats musarudzo dzemutungamiri mutsva weAmerica. Vhidhiyo in Marvellous Mhlanga-Nyahuye.
- Marvellous Mhlanga-Nyahuye
Zvimwe Zvizvarwa zveZimbabwe Zvakavhota Musarudzo YemuAmerica Zvofarira Kukunda KwaVa Joe Biden Vebato Rema Democrats
Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvakavhota musarudzo yemuAmerica zvofarira kukunda kwaVa Joe Biden vebato rema Democrats. Vhidhiyo in Marvellous Mhlanga-Nyahuye.
- Marvellous Mhlanga-Nyahuye
Zvimwe Zvizvarwa zveZimbabwe Zvakavhota Musarudzo YemuAmerica Zvofarira Kukunda KwaVa Joe Biden Vebato Rema Democrats
Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvakavhota musarudzo yemuAmerica zvofarira kukunda kwaVa Joe Biden vebato Rema Democrats. Vhidhiyo in Marvellous Mhlanga-Nyahuye.
- Marvellous Mhlanga-Nyahuye
Zvimwe Zvizvarwa zveZimbabwe Zvakavhota Musarudzo YemuAmerica Zvofarira Kukunda KwaVa Joe Biden Vebato Rema Democrats
Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvakavhota musarudzo yemuAmerica zvofarira kukunda kwaVa Joe Biden vebato rema Democrats. Vhidhiyo in Marvellous Mhlanga-Nyahuye.
Livetalk: November 13, 2020
Livetalk: November 13, 2020, #VOAElections2020 #elections #usa
Livetalk: Diaspora Forum, November 11, 2020
Livetalk: Diaspora Forum, November 11, 2020
- Marvellous Mhlanga-Nyahuye
Veruzhinji muAmerica Voshuvira Kuti VaTrump Vatambidzane Masimba naVaBiden

Vachangosarudzwa semutungamiri weAmerica, Va Joe Biden, vanoti vari kuenderera mberi nehurongwa hwavo hwekutambidzana masimba kunyange hazvo mutungamiri weAmerica, Va Donald Trump, pamwe nevakuru vakuru muhurumende yavo, vasiri kutambira kukunda kwebato reDemocratic Party.
Gurukota rezvekudyidzana kweAmerica nedzimwe nyika, Va Mike Pompeo, vakaudza vatori venhau nemusi weChipiri kuti pachava nekutambidzana kwemasimba kwakanaka kwehurongwa hwetemu yechipiri yaVaTrump.
VaPompeo vakataura mashoko aya vari pamuzinda wavo we State Department mu Washington. Asi vakazoramba kubuda pachena pa Fox News kuti vairevesa here kana kuti kwete.
VaBiden vanoti havasi kunetsekana zvakanyanya nenyaya yekuti Va Trump havasi kutambira kukundwa kwavo, asi kuti maitiro aVa Trump anoshoresa zvikuru America.
VaBiden vakati izvi hazvipe chimiro chakanaka kunhoroondo yaVaTrump semutungamiri wenyika.
Va Biden vakataura mashoko aya vari kumuzinda wavo we Wilmington mudunhu re Delaware, uko kuri kushandira chikwata chavo chekutambidzana masimba.
VaBiden vari kutarisirwa kudoma vamwe vanhu vachange vari muhurumende yavo mwedzi uno usati wapera.
Kusvika pari zvino, Va Trump vakwidza nyaya dzakati kuti mumatare mumatunhu akawanda vachiedza kubvisa kukunda kwaVa Biden, kunyange hazvo magwaro ari mumatare achinzi haana humbowo hwakadzama hunoratidza kuti sarudzo hadzina kuitwa nemazvo.
VaTrump vanonzi vari kurambidzawo hurumende yavo kuti ishande nechikwata chaVa Biden chekutambidzana masimba.
Bazi reGeneral Services Administration rakaramba kutambira kukunda kwaVa Biden, izvo zviri kupa kuti chikwata chaVa Biden chisawane mahofisi ehurumende, kushandisa tsambambozha dzehurumende pakuita basa racho, pamwe nekusapihwa mari inosvika mamiriyoni gumi emadhora.
Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muAmerica, Amai Mwaemurei Hungwe, vanoti shuviro yavo ndeyekuti VaTrump vasiye matomhu murunyararo kuitira kuti VaBiden vatange kuumba hurumende yavo vachishandisa midziyo nezvikwanisiro zvehurumende sezvinodiwa nemitemo yenyika.
"Ndiri kushungurudzika nezviri kuitika pari zvino muhurumende yeAmerica. Ndinoshuwira kuti dayi VaTrump vabatanidza vanhu vasiya matomhu zvakanaka sezvo vane vatsigiri vakawanda vanoteerera zvavanotaura. Ndinoshuvira kuti vataure nezvekuchena kwesarudzo uye kuti havana kubirirwa musarudzo kuiitira kuti nyika ienderere mberi," vadaro Amai Hungwe.
- Jonga Kandemiiri
Makakatanwa eZviri Kubuda muSarudzo dzeAmerica Oenderera Mberi

Kunetsana musarudzo dzemuAmerica kuchiri kuenderera mberi mutungamiri wenyika VaDonald Trump vachiramba kutambira zviri kubuda musarudzo yemutungamiri wenyika, panguva iyo vakasarudzwa semutungamiri wenyika, VaJoe Biden, vatangawo gadziriro yekutungamira hurumende yeAmerica kana vakangonzi chete ndivo vakunda.
VaTrump vane tarisiro yekushandura mamiriro akaita zvinhu pari zvino vachiti sarudzo dzakabirwa mumatunhu akawanda avakakundwa naVaBiden, kunyange hazvo vasina humbowo hwekuti sarudzo dzakabirirwa.
Kana VaBiden vakaramba vari ivo vakunda musarudzo vanenge vachizotarisirwa kutoreswa mhiko musi wa 20 Ndira gore rinouya.
Asi anenge akunda asati atoreswa mhiko, musi wa 06 Ndira gore rinouya dare reCongress richatanga raverenga zvakare zvigaro kana kuti electoral votes kubva kumatunhu ose enyika richibva razivisa zviri pamutemo kuti akunda ndiani.
Chizvarwa cheZimbabwe chiri muVirginia, VaFrenk Guni, vanoti VaBiden vari kutarisirwa kuita zvinofanirwa kunge zvichiitwa neakunda zvekugadzirira hurumende itsva, vachiti nerimwe divi VaTrump vari kuzadzisawo kodzero dzavo dzekupikisa zvabuda musarudzo dzavanopiwa nebumbiro remitemo yenyika yavo.
Asi VaGuni vanoti VaTrump vane nguva pfupi yekuti nyaya dzavo dzinzwikwe pamwe nekugadziriswa nematare edzimhosva sezvo zvichifanirwa kunge zvaitwa panosvika musi wa 08 Zvita gore rino.
Facebook Forum