Accessibility links

Breaking News

Zviri Kuitika muAmerica

VaTrump neBato Ravo reRepublican Party Vopinda muHofisi Vaine Masimba kuMatare Ose, reSeneti nereHouse of Representatives

Dare reUS Capitol.
Dare reUS Capitol.

Vakasarudzwa semutungamiri wenyika muAmerica, VaDonald Trump vachapinda muhofisi muna Ndira 2025 vaine mubatanidzwa wemasimba kudare reparamende re Congress.

Bato ravo reRepublican Party richange riine huwandu mumatare ose eSeneti neHouse of Representatives sezvakasarudzwa nezvizvarwa zveAmerica zvakavhota.

Mutori wenhau weVOA anoshanda ari kudare reCongress Katherine Gypson anotipa zvizere ari kuCapitol Hill.

Mutungamiri mutsva mudare reSeneti reAmerica riri kuuya iro richange rine nhengo dzeRepublican Party dzakawanda kudarika dzeDemocratic Party, ndaVaJohn Thune.

“Tine basa ratakapiwa nezvizvarwa zveAmerica, basa kwete rekungochenesa tsvina yakasiiwa nezvirongwa zvaBiden-Harris-Schumer, asi kuzadzisawo zvinangwa zvemutungamiri wenyika Trump,” vanodaro VaThune.

VaThune vatora chigaro chepamusorosoro muSeneti mushure mekunge VaMitch McConnell vashanda pachinzvimbo chimwechetecho kwemakore gumi nemasere uye vatosangana kare nekuedzwa kwavo kwekutanga.

Vakasarudzwa semutungamiri wenyika VaDonald Trump vakaronga kusvetuka hurongwa hwedare reSeneti huri mubumbiro remitemo hwekuti rinotambira vanenge vadomwa semakurukota.

“Basa redare reSeneti mubumbiro remitemo nderekurayira nekupa mvumo, nekudaro tichaita zvose zvatinokwanisa kuti titambire nekukasika vavakadoma nekuvaita kuti vagadzwe muzvigaro zvavo kuitira kuti vatange kuzadzisa zvinangwa zvavo,” VaThune vanotsanangura.

Bato reDemocratic Party rakarasikirwa nehuwandu hwaro zvichaita kuti rive nezvigaro zvingangosvika kumakumi mana nezvinomwe mudare idzva reSeneti.

VaChuck Schumer.
VaChuck Schumer.

VaChuck Schumer ndivo mukokeri wedare reSeneti vari vebato reDemocratic Party.

“Vanhu vemuAmerica vatipa chitsvambe. Tinofanirwa kudzidza kubva kwachiri,” VaSchumer vanodaro.

VaTrump vane masimba ekutungamira hurumende kwese mumakore maviri ekutanga kwetemu yavo. Asi mumwe anoongorora zvematongerwo enyika anoti izvi hazvirevi kuti muzinda weWhite House unowana zvaunoda kuCapitol Hill.

VaCasey Burgat mukuru anoona nezvezvirongwa zvemitemo paGeorge Washington University muWashington, D.C.

“Mitch McConnell akamboti anotsigira zvirongwa zvemutungamiri wenyika, achashanda nazvo, asi takazoona, kubva mukudomwa kwemakurukota kusvika kumitemo, kuti havasi kuzopa mavhoti kana vakafunga kuti mutungamiri wenyika vari kupfirikidza mwero.”

Republican Party yakawanawo huwandu hwenhengo mudare re U.S. House of Representatives, zvakaita kuti ripembedzwe naVaTrump vachiti “Zvakanaka kukunda.”

Vakasarudzwa semutungamiri wenyika vakasarudza mutauriri wedare reHouse of Representatives VaMike Johnson kuti vatungamire zvakare.

“Ndinovimba kuti richave ndiro dare rakakoshesesa munhoroondo ino, hurumende yakakoshesesa munhoroondo ino, nekuti, kutaura chokwadi, tinofanirwa kugadzirisa zvirongwa zvese hazvo,” vakadaro VaJohnson.

Asi veRepublican Party vatungamira nehuwandu hushoma kwazvo mudare reHouse of Representatives nezvigaro zvishoma kudarika veDemocratic Party, avo vakavimbisa kuramba vachirwa.

Amai Pramila Jayapal inhengo yeDemocratic Party mudare reKongiresi.

“Congressional Progressive Caucus icharamba ichidzivirira zvakasimba vashandi nevarombo.”

Nhengo dzedare idzva reU.S Congress rechizana negumi nepfumbamwe richatoreswa mhiko iko yekutanga basa musi wa Ndira 3.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nyaya yandakuverengerai iyi yabva kumutori wenhau weVOA Katherine Gypson ari muWashington.

Vamwe veVari Kudomwa naVaTrump muDare Ravo reMakurukota Voramba Kutambirwa neVamwe muDemocratic Party neRepublican Party

Vakasarudzwa semutungamiri weAmerica, VaDonald Trump.
Vakasarudzwa semutungamiri weAmerica, VaDonald Trump.

Vamwe vevanhu vakadomwa kupinda mudare remakurukota nevakasarudzwa semutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, vari kutsanangurwa sevanhu “vasiri kutambirika” mumapato ose eDemocratic Party neRepublican Party.

Mutauriri wedare reHouse of Representatives VaMike Johnson veRepublican Party neSvondo vakayeuchidza vari kushoropodza vachiti zvizvarwa zveAmerica zvakavhotera kushandura mamiriro ezvinhu, nekudaro ndiro basa richange rakatarisana nemakurukota matsva aya, kana akatambirwa. Mutori wenhau Veronica Balderas Iglesias anotipa Nyaya iyi iyo munoverengerwa naJonga Kandemiiri weVOA Studio 7.

Vakasarudzwa semutungamiri wenyika, VaDonald Trump, vakaenderera mberi mukupera kwesvondo vachidoma makurukota avo kusanganisira VaChris Wright, vanotsigira makambani anochera mafuta negasi, avo vanogona kushanda segurukota rezvemhando dzemoto.

VaTrump vakatungamidza mberi kudoma vanovatsigira mune zvematongerwo enyika vachivaisa muzvigaro zvemudare remakurukota.

Vakadomwa kuve gweta guru rehurumende uye vaimbove nhengo yedare reparamende, VaMatt Gaetz, ndivo mumwe wevanhu vasiri kutambirwa zvakanaka.

VaGaetz vasati vasiya chigaro chavo svondo rapera, komiti inoona nezvekutevedzerwa kwemitemo mudare reHouse of Representatives, yeHouse Ethics Committee, yakanga ichivaferefeta kana vakaendesa vana vadiki kunoita zvepabonde pamwe nekushandisa zvinodhaka zvisingabvumidzwe nemutemo. VaGaetz vari kuramba zvipomerwa izvi.

VaMatt Gaetz.
VaMatt Gaetz.

Nhengo yeDemocratic Party muHouse of Representatives, VaAdam Schiff, vakaudza chirongwa chenhepfenyuro yeCNN che “State of The Union” kuti VaGaetz, semaonero avo, havakodzeri kuti vange vachipinda pachigaro chavari kunzi vatore.

“Tiri kuda here zvechokwadi kuve negweta guru riri kupomerwa mhosva dziri pachena dzekuendesa vana vadiki kunoita zvepabonde, nekugona kunge akashandisa zvinodhaka, achivharira kuferefetwa kwake, asina ruzivo rwekushanda mubazi rezvemitemo, iye achiferefetwa nebazi iroro?”

Seneta Markwayne Mullin veRepublican Party vanofunga kuti dare reSeneti rinofanirwa kuona zvakawanikwa mukuferefeta uku asi vakaudza chirongwa chenhepfenyuro yeNBC che “Meet The Press” kuti VaGaetz vanokodzera kuwana mukana wakaenzana wekuti vagadzwe pachigaro ichi.

“Handipokane kuti mutungamiri wenyika VaTrump vanovimba kuti Matt ndiye munhu akakodzera kuita basa nemazvo. Matt achangobatwa nenzira yakafanana naani zvake achadomwa kunze uko.”

Vanokokera nhengo dzeDemocratic Party mudare reHouse of Representatives, VaHakeem Jeffries, vakabudawo paNBC neSvondo. Vakabvunzawo nezvedare remakurukota riri kuunganidzwa naVaTrump, vamwe vacho vasina ruzivo rwune chekuita nezvemabasa avari kunzi vaite.

“Ava ndivo vanganzi here shasha dzinokwanisa kuwanikwa muAmerica yose panguva ino, nezvimhingamipinyi zvose zvatakatarisana nazvo? Ndinoti kwete.”

VaMike Johnson.
VaMike Johnson.

Nekuvhotera kwavakaita VaTrump, vanhu vemuAmerica vakapa veRepublican Party basa rekugadzirisa mamiriro akaita zvinhu, sezvakatsinhira zvakataurwa nemutauriri wedare reHouse of Representatives vari veRepublican Party VaMike Johnson.

“Mutungamiri wenyika wese ane kodzero yekudoma dare rake remakurukota, kusarudza vanhu vaanofunga kuti vanozadzisa zvirongwa zvake. Uye vanhu vari pahurongwa hwake vanoita izvozvo. Vanoenda kumapazi avanenge vanzi vatungamire, uye vanonoshandura mapazi iwayo.”

Zvinotarisirwa kuti vakadomwa ava vanokasika kutambirwa nedare reSeneti mushure mekumira pamberi pedare iri vachipa mativi avo.

Vakasarudzwa semutungamiri wenyika ava vakakurudzirawo vatungamiri vedare reSeneti veRepublican Party kuti vavape mvumo yekumbodoma makurukota panguva iyo dare reSeneti rinenge rakazorora izvo zvinonzvenga hurongwa hwekuti vanodomwa ava vamire pamberi pedare vachibvunzurudzwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Iyo yanga iri Nyaya yabva kumuturi wenhau weVOA, Veronica Balderas Iglesias yangakuverengerai.

Vanhu Vanodarika Mamiriyoni Makumi Matanhatu neMatanhau (66 Million) Vatovhota Musarudzo Dzasarwa neMazuva Mana muAmerica

Kwasara mazuva mana chete kuti America iende kusarudzo dzekutsvaga mutungamiri wenyika nedzimwe nhengo dzedare resenate nehouse of representatives.

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika Amai Kamala Harris vebato reDemocratic Party uye vaimbova mutungamiri wenyika VaDonald Trump vebato reRepublican Party vari kuita chipatapata kuenda kumatunhu akasiyana siyana kunotsvaga rutsigiro.

Nhasi vaviri ava vari mudunhu reWisconsin riri pamatunhu manomwe akakosha musarudzo yemutungamiri wenyika.

VaTrump vari kutarisirwawo kunotsvaga rutsigiro kuMichigan rimwe dunhu rakakoshawo zvekare. Mutevedzeri waAmai Harris, VaTim Walz vanenge variwo kuMichigan nhasi.

Sangano renhau reAP rinoti vanhu vanodarika mamiriyoni makumi matanhatu nematanhatu kana kuti 66 million vatovhota. Bumbiro remitemo muAmerica rinobvumidza vanhu kukurumidza kuvhota.

Vanokwanisa kutumirwa bepa ravo rekuvhota voita izvi vari kumba votumira musi wekuvhota usati wasvika kana kuti vanoenda mune nzvimbo shoma dzinenge dzakavhurwa vovhota.

Mutungamiri weAmerica VaJoe Biden Vanosendeka Rwendo Rwavo Vachimira neVagari vemuFlorida Avo Vatarisana neDutumupengo Milton

Mufananidzo watorwa neNOAA uchiratidza Hurricane Milton mugungwa reGulf of Mexico.
Mufananidzo watorwa neNOAA uchiratidza Hurricane Milton mugungwa reGulf of Mexico.

Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, vanonzi vambosendeka parutivi rwendo rwavo rwavanga vakaronga svondo rino rwekuenda mhiri kwemakungwa kuitira kuti vaone pamwe nevagari vedunhu reFlorida iro rakatarisana nedutumupengo Milton.

Mashoko aburitswa nemuzinda weWhite House anoti VaBiden wasendeka parutivi rwendo rwavo rwekuGermany nekuAngola kuti vange vachiona nezvegadziriro yekudzivirira Hurricane Milton pamwe nekubatsirwa kuri kuitwa nzvimbo dzakaparadzwa nerimwe dutumupengo rakarova svondo yapera, Hurricane Helene, iro rakaparadza matunhu ekuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kweAmerica.

Vamwe vagari vemuFlorida vanonzi vari kuenderera mberi nekusiya misha yavo vachienda munzvimbo dzakachengetedzeka dzakatarwa neboka rinoona nezvekudzivirirwa kwenjodzi mudunhu iri uko vari kunohwanda mafashamu emvura ari kutarisirwa uye kuparadzwa kwedzimba nemidziyo.

Vanhu vanosvika chidimbu chemiriyoni vari kutarisirwa kutiza misha yavo muFlorida.

Hurricane Miltoniri kutarisirwa kusvika mudunhu reFlorida mangwana richitarisirwa kumhara muTampa Bay.

Hurricane Milton ine mhepo inonzi iri kumhanya makiromita mazana maviri nemakumi masere paawa kuchitiwo mvura ichi famba makiromita gumi nemashanu paawa.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muOrlando muFlorida, Doctor Gadziro Gwekwerere, vanoti kunyange hazvo munzvimbo yavo vachiri mudzimba dzavo, vanotarisira kuti dutumupengo iri richasvika Chitatu, uye vane tarisiro yekuti vachanzi vabve mudzimba dzavo vachienda kunzvimbo dzakachengetedzeka.

Vanoti zvikoro nemahofisi ehurumende zvatovharwa uye mitsetse yevanhu vari kuda kutenga chikafu nemvura yakakura kwazvo muzvitoro zvikuru zvinotengesa zvinhu izvi.

"Ndingati kubva nezuro vanhu vari kuungana pazvitoro zvechikafu, kunana Walmart uye vari kukumba zvinhu kana mandiro atinoti ma disposable plates nama cups, matishu, ma paper towel, mvura nezvikafu zvimwe zvinogona kuzodyika zvisina kubikwa, nekuti vanhu vanotarisira kuti hazvizivikanwe nekuti magetsi anogona kunge asiko," vanodaro Doctor Gwekwerere.

Vanoti hurumende iri kubatsirawo nekuwanisa vanhu matsaga ejecha ekuti vaise padzimba dzavo kuitira kuvharira mvura kunze kana yazoita mafashamu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mafashamu eDutumupengo Helene Anosiya Vanhu Vanodarika Mazana Maviri Vafa muAmerica

Imba nemidziyo zvakaparadzwa kuBlack Mountain, North Carolina, mushure meHurricane Helene.
Imba nemidziyo zvakaparadzwa kuBlack Mountain, North Carolina, mushure meHurricane Helene.

Huwandu hwevanhu vaurayiwa nemafashamu akakonzerwa nedutumupengo Helene mune mamwe matunhu emuAmerica hunonzi huri kuramba huchikwira.

Vanhu vanodarika mazana maviri ndivo vakanga vave kuzivikanwa kuti vakaurayiwa nemvura iyi pakupera kwezuva nemusi weChina mumatunhu anoti Florida, Georgia, South Carolina, North Carolina, Virginia neTennessee.

Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, nemusi weChina vakashanyira matunhu eFlorida neGeorgia vachizvionera voga kuparadzwa kwaakaitwa nemafashamu aya.

Chizvarwa cheZimbabwe vanove chiremba, Doctor Simbiso Ranga, avo vari mudunhu reNorth Carolina, vanoti mafashamu aya akaita kuti zvipatara zvikanganiswewo sezvo mimwe yemishonga yavanoda yaibva mumatunhu akakanganiswa nemafashamu aya.

Vanoti nzvimbo zhinji dzakasara dzisina mvura yekunwa yakachena nezvekudya uye mimwe migwagwa mikuru yakakanganiswawo nemvura iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Gakava raVaTrump naAmai Harris Roratidza Muyisano paVaviri Ava

VaDonald Trump naAmai Kamala Harris
VaDonald Trump naAmai Kamala Harris

Musarudzo yemutungamiri wenyika yeAmerica, vari kumiririra bato reRepublican Party VaDonald Trump vakatatsurana nevari kumirira bato reDemocratic Party nhasi mangwanani panyaya yekubvisa nhumbu, kupinda kwevanhu munyika uye kudyidzana nedzimwe nyika.

Vaviri ava vaita gakava vari pedyo nepedyo pasina vamwe vanhu kunze kwevatori venhau vaivabvunza mibvunzo venhepfenyuro yeABC News ichitepfenyurawo kune dzimwe nhepfenyuro zvichionekwa nemamiriyoni nemamiriyoni evanhu muAmerica vari kutarisirwa kuvhota musarudzo yemutungamiri wenyika muna Mbudzi.

Amai Kamala Harris naVa Donald Trump
Amai Kamala Harris naVa Donald Trump

Amai Kamala Harris vakataura kuvavhoti ukuwo vachipindura kushorwa kwavaiitwa naVaTrump, vachiparurawo gwara ravo mushure mekubuda musarudzo yemutungamiri wenyika kwakaitwa nemutungamiri wenyika VaVaJoe Biden vachivasiira tsvimbo. Vati, Zviripachena, handisi Joe Biden, uye handisi Donald Trump."

Vatizve, "Uye chandinopa igwara idzva rekutungamira nyika ino. Hutungamiri hunotenda mune zvinogoneka. Hunounza pfungwa yekuve netariro pamusoro pezvatingaite pane kugara tichishora vanhu veAmerica. "

VaTrump vashora Amai Harris vachiti vanoda zvehutongo hwegutsaruzhinji kana kuti Maxist vachiti ndivo vari kuita kuti munyika mupinde vanhu vakawanda vasina magwaro muAmerica.

VaTrump vati, "Vapadza hunhu hwedu netsika dzedu. Vari kubvumidza mamiriyoni nemamiriyoni evanhu kupinda munyika vasina magwaro."

VaTrump pasina kupa humbowo vati Amai Harris ndivo vakakonzera kuti Russia irwise Ukraine uye kuti hondo yemuGaza itange. Vati, Akavenga Israel." Vatiwo, "Uyezve anovenga nyika dzemaArab nekuti dunhu rose riri kubvira parizvino. MaArab, maJew, Israel. Israel inoparadzwa.”

Kuna VaTrump, aka kave kechinomwe vachiita gakava remutungamiri wenyika. Asi ndekekutanga kuna Amai Harris. Amai Harris vati VaTrump havafanire kupihwa mukana wekutungamira nyika zvakare uye vatungamiri venyika dzepasi rino vakawanda vanotenderana nemuono uyu kunze kwevanotonga nedemo avo vati VaTrump vanoyemura. Unoyemura vanotonga nedemo kwete kusimbaradza hutongo hwejekerere.”

Amai Kamala Harris
Amai Kamala Harris

Vanotsigira VaTrump vakaita semumwe mumiriri weFlorida mudare reparamende reHouse of Representatives VaByron Donalds vati Amai Harris vakundikana kuti vataure kuti zvii zvavachaita vakasarudzwa kutungamira nyika. VaDonalds vati, Kamala Harris chaaita kungoshora Trump. Haana kutaura nezvezvirongwa zvake." Vaenderera mberi vachiti, "Haana kutaura nezvemutsauko pakati pake naBiden. Pataurwa nyaya yehondo yekuAfghanistan ati kudii? Hapana kana chaataura.”

VaDonald Trump
VaDonald Trump

Vavhoti vanodarika zvikamu makumi matatu kubva muzana kana kuti 30% vanoti vanoziva kuti VaTrump munhu akaita sei asi vachiri kuda kuziva kuziva zvizhinji nezvaAmai Harris.

Gakava iri raburitsa musiyano pakati paAmai Harris naVaTrump sematauriro aVaTed Lieu nhengo yebato remaDemocrats kuCalifornia. VaLieu vati, “Kamala aratidza uti ane chiremera chekutungamira. Donald Trump ange achitatarika kupindura mubvunzo uye munhu asinganzwisisike.”

Kunzwe kwekunge vaita rimwe gakava, sarudzo isati yaitwa, gakava iri rakakosha mukuzvishambadza kwevaviri ava kune vanhu vashoma vasara vasati vazvipira kuti vovhotera ani zvikuru mumatunhu manomwe akakosha pakuti ndiyani achatora mhiko yekutungamira nyika gore rinouya.

Nyaya iyi yatumirwa naSteve Herman, VOA News ari kuPhiladelphia yamaverengerwa naEvans Zininga weStudio 7

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VaBiden Votambidza Tsvimbo yeKutungamira Democratic Party Kuna Amai Harris Vachiti Pavo Vakasakura

VaJoe Biden
VaJoe Biden

Mutungamiri wenyika VaJoe Biden nhasi vataura pamberi pevatsigiri vebato ravo kuChicago kuri kuitwa musangano mukuru weDemocartic National Convention kana kuti DNC wekutambira tsvimbo yekutungamiri kwemutevedzeri wavo Amai Kamala Harris kuti vatungamire bato remaDemocrats musarudzo yemutungamiri wenyika muna Mbudzi.

Amai Harris ndivo vaparura hurongwa hwekurumbidza VaBiden nemabasa avakaita mubato remaDemocrats nenyika. Vanhu vazhinji vashamisika sezvo Amai Harris vange vasingatarisirwe kutaura nhasi.

Amai Kamala Harris
Amai Kamala Harris

VaBiden vatambirwa nemufaro pamusangano uyu. Vakazivisa kuti havachakwikwidze musarudzo sezvo vamwe mubato ravo vakakurudzira kuti nekuda kwekuti vakwegura vanofanira kusiira wechidiki ari kutemwa dzinobva ropa kuti atungamire bato iri musarudzo.

Mumashoko avo, VaBiden vabvunza vanhu kuti vakagadzirira kuvhotera Amai Harris nemutevedzeri wavo VaTim Walz here? Vanhu vapindura vachiti hongu.

VaBiden vashora zvikuru vaimbova mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump nekuramba kutambira zvakabuda musarudzo yemutungamiri wenyika muna 2020.

Mutungamiri wenyika ati akatora mhiko nyika yagwadama nekuda kweCovid-19 vanhu vasina mabasa. Ati vanhu vanofanira kuchengetedza hutongo hwejekerere.

Vati sarudzo iyi yakakosha mukuratidza kuti remangwana reAmerica rakamira sei. Vataura nezvavati vakakwanisa kuita pamwe naAmai Harris sekugadzira mugwagwa, hupfumi, zvehutano nezvimwe. Vakurudzira vanhu kuti vavhotere Amai Harris.

Amai Hillary Clinton
Amai Hillary Clinton

Vamwe vataura pamusangano wanhasi mudzimai waVaBiden, Amai Jill Biden uye vakasarudzwa nebato iri kuva mudzimai wekutanga kuri tungamirira musarudzo yemutungamiri wenyika muna 2016, Amai Hillary Clinton. Asi vakazokundwa naVaDonald Trump vebato remaRepublicans.

Amai Clinton vataura nezvenhoroondo yemadzimai yekurwira kodzero yavo yekuvhota uye kuti vakwanise kutungamira nyika. Amai Clinton vashora VaTrump vachiti munhu wekutanga kutsvaga rutsigiro abatwa nemhosva.

Vatiwo Amai Harris havashore vakarwa hondo zvinoitwa naVaTrump.

Amai Harris ndivo mudzimai wekutanga ane mubereki mutema uye amai vanobva kuIndia kusarudzwa kuti amirire bato guru iri musarudzo yemutungamiri wenyika.

Kunze kwevamiriri vebato iri kubva kumatunhu akasiyana siyana, madzimai matatu anoti Amai Amanda Zurawski, Amai Kaitlyn Joshua naAmai Hadley Duvall vataura nezvematambudziko avakasangana navo muhupenyu mushure mekubata pamuviri.

Vati mitemo yakadzikwa nekuda kwaVaaTrump yekurambidza kubvisa nhumbu kunyangwe hupenyu hwaamai huri munjodzi kana kuti munhu abatwa chibharo unoomesera madzimai akawanda zvichipa kuti vamwe varasikirwe nehupenyu.

Kuratidzira

Apo musangano uri kuenderera mberi, vamwe vanhu vakaungana panze vachiratidzira nezvichemo zvakasiyana siyana. Masangano mazana maviri abatana kuratidzira achiti haasi kufara nekutsigira kuri kuitwa Israel nehurumende yaVaBiden.

Chicago DNC protest police Palestine
Chicago DNC protest police Palestine

Vanoti America haifanire kupa Israel zvombo zvekurwisa vanhu vemuGaza. Kunyangwe VaBiden vari kuti havasi kufara nekuurayiwa kwevanhu muGaza, avri kuti vanomira neIsrael.

Donald Trump

VaDonald Trump
VaDonald Trump

Vari kukwikwidzana naAmai Harris, VaDonald Trump nhasi vange vari kuPennsylvania kwavati vange vachitaura nezvehupfumi.

Asi pane dzimwe nguva vange vachisiya kutaura zvehupfumi vachituka Amai Harris zvese nababa vavo vachiti vanoda kuunza mitemo inoshandiswa kunyika dzakaita seChina

Amai Harris naVaTrump Votatsurana paMberi peSarudzo

VaTrump naVaHarris
VaTrump naVaHarris

Mutevedzeri wemutungami wenyika yeAmerica amai Kamala Harris avo vari kutungamirira bato reDemocratic Party musarudzo yemutungamiri wenyika muna Mbudzi nemusi weChishanu vakaparura hurongwa hwavo hwezvavachaitira nyika munyaya dzezvehupfumi kana vakasarudzwa.

Amai Harris vakati vari kuda kudzikisa mitengo yezvinhu, kuvaka dzimba dzakawnda uye kudzikisawo mutero kuvashandi.

Wavari kukwikwidzana navo VaDonald Trump veRepublican Party vakaparura hurongwa hwavo nemusi weChina. VaTrump vanoti hurongwa hwaAmai Harris hunoitwa kunyika dzine hutongo hwekutsaruzhinji dzakaita seChina. Asi Amai Harris vanoti zvakaturwa naVaTrump hazvina nematuro ose uye zvinodzosera nyika kumashure.

VaTrump vachange vachienderera mberi nekutsvaga rutsigiro kuPennsylvania nhasi uko vari kutarisirwa kutaura zvakare nezvavachaita kugadzirisa hupfumi hwenyika.

VaTrump nhasi vari kuPennsylvania kwavari kutsvaga rutsigiro. Aka kave kechipiri vachienda kudunhu iri sezvo mwedzi wapera vakasiira musangano panzira pachida sezvo paine mumwe murume akayedza kuvauraya.

VaTrump vari kutarisirwa zvakare kuenderera mberi nekushoropodza Amai Harris vachiti havakwanise kutungamira nyika uye zvose zvavari kuita parizvino nemutungamiri wenyika VaJoe Biden zvapa kuti nyika igwadame.

Ukuwo mutevedzeri waAmai Harris, VaTim Walz nhasi vari kutsvaga rutsigiro kuOmaha, Nebraska.

Asi vaWalz vari kutarisirwa kuudzawo vanhu kuti VaTrump vakapihwa mukana wekutungamira vakatatarika.

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika VaLionel Kore vanoti pari z vaviri ava semaonero avo vari kuita mangenge sezvo vese varikuwana vanhu vazhinji kumisangano yavo yekutsvaga rutsigiro asi chichavapatsanura hwaro hwavachaparura rwekugadzirisa nyika,"VaKore vaudza Studio7.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vamwe Vanoongorora zveMatongerwo eNyika Vanoti Kubuda kwaVaBiden muSarudzo Hakurevi Kuti Amai Harris Vachangopinda Nyore

Amai Kamala Harris naVa Joe Biden
Amai Kamala Harris naVa Joe Biden

Muchirongwa chedu chatinotarisa zviri kuitika muAmerica, tiri kutarisa kubuda kwaVaJoe Biden neSvondo mukukwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika ichaitwa muAmerica muna Mbudzi wegore rino.

VaBiden vakabva vazivisawo kuti vave kuisa rutsigiro rwavo kumutevedzeri wavo, Amai Kamala Harris, kuti vave ivo vanozomirira Democratic Party musarudzo kana vakazobudirira kudomwa nenhengo dzebato ravo kugungano ravo kana kuti convention muna Nyamavhuvhu.

Nyanzvi yezvekudyidzana kwenyika dzapasi rose vachidzidzisa pachikoro chepamusorosoro cheDevry University kuOhio muAmerica, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti vanoona sekuti VaBiden vakatora danho rakanaka nekuti ndivo vanoziva muviri wavo nehutano hwavo kuti vanokwanisa zvipi uye havachagoni zvipi.

Muzvinafundo Masocha vanotiwo hazvirevi kuti VaBiden zvavasisakwikwidzi musarudzo, Amai Harris vanobva vangotora chimuti, vachiti panofanirwa kutevedzerwa gwara rebato ravo vachikwikwidzana nevamwe vangadaro vachidawo kumirira bato iri musarudzo yemutungamiri wenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Masachigaro Ose eBato remaDemocrat muAmerica Otsigira Amai Kamala Harris Kuti Vave Ivo Vanokwikwidza muSarudzo yeMutungamiri weNyika

Mutewedzeri wemutungamiri wenyika yeAmerica Amai Kamala Harris.
Mutewedzeri wemutungamiri wenyika yeAmerica Amai Kamala Harris.

Zvichitevera kuziviswa kwaitwa nemutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, kuti vari kutsigira mutewedzeri wavo, Amai Kamala Harris kuti vatore chinzvimbo chavo mumakwikwi ekurwira chigaro chemutungamiri wenyika musarudzo dziriko muna Mbudzi wegore rino, masachigaro eDemocratic Party mumatunhu makumi mashanu ose eAmerica anonzi abva atsigirawo Amai Harris.

Nhepfenyuro yeCNBC yati mari dziri kubviswa nevatsigiri vebato iri pamwe nevanopa rubatsiro dzekubatsira Amai Harris dzinonzi dziri kuwanda kubva zvaziviswa naVaBiden kuti vakuba musarudzo, mushure mekunge vamwe vevaimbobatsira VaBiden nemari yekutsvagisa rutsigiro vakanga vasunga homwe dzavo.

Vachiisa rutsigiro rwavo kuna Amai Harris, VaBiden vanonzi vati Amai Harris vanga vari munhu anoshandika zvakanaka naye uye vari kuisa rutsigiro rwavo rwose pavari kuti vamirire bato musarudzo yemutungamiri wenyika gore rino.

VaBiden vazivisa kuti vachataura kuruzhinji rwenyika yavo mukati mesvondo rino pamusoro pedanho ravo iri.

Muzinda weWhite House wazivisa kuti VaBiden vataura nenhengo dzedare reCongress dzine chitsama, magavhuna, nevatsigiri, uye vacharamba vachitaura nevane chekuita nenyaya iyi husiku hweSvondo uye neMuvhuro.

Amai Harris, avo vane makore makumi mashanu nemapfumbamwe ekuberekwa, havana kunonoka kuzivisa kuti vachatsvaga rutsigiro rwekuti vadomwe kuti vamirire bato ravo remaDemocrats musarudzo.

Amai Harris vaive seneta vedunhu rine vanhu vakawandisa muAmerica, reCalifornia, panguva yavakadomwa naVaBiden kuti vave mutewedzeri wavo mumakwikwi emutungamiri wenyika muna 2020 mushure mekunge VaBiden vabudirira mumakwikwi enhengo dzebato iri dzairwira kumirira bato musarudzo.

Amai Harris vati vachaita zvose zvavanokwanisa kubatanidza bato remaDemocrats, kubatanidza nyika nekukunda VaDonald Trump musarudzo.

Vati kwasara mazuva zana nemanomwe kusvika kuzuva resarudzo, vachiti vacharwa pamwechete uye vachakunda pamwechete.

Mushure mekuzivisa kwaVaBiden kuti vabuda musarudzo, vari kukwikwidza vakamirira bato remaRepublican musarudzo yemutungamiri wenyika, VaDonald Trump havana kutora nguva kutsoropodza vose VaBiden naAmai Harris.

Vachinyora padandemutande, VaTrump vati VaBiden vanga vasina kukodzera kukwikwidza pachigaro chemutungamiri wenyika, vachitiwo Amai Harris havana kusiyana naVaBiden.

VaTrump vaudza nhepfenyuro yeCNN kuti Amai Harris vari nyore kukunda musarudzo pana VaJoe Biden.

Vamwe mubato remaRepublican vanonzi vave kukurudzira VaBiden kuti vasiye chigaro chekutungamira nyika.

Mutungamiri weNyika yeAmerica, VaJoe Biden, Vanobuda muMakwikwi eSarudzo Vachitsigira Amai Kamala Harris kuti Vatore Chinzvimbo Chavo

Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden nemutewedzeri wavo, Amai Kamala Harris.
Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden nemutewedzeri wavo, Amai Kamala Harris.

Mutungamiri wenyika yeAmerica, VaJoe Biden, vazivisa neSvondo kuti vave kubuda mukukwikwidza vakamirira bato ravo remaDemocrats musarudzo yemutungamiri wenyika iyi iri kuitwa muna Mbudzi wegore rino.

Izvi zvinotevera kurudziro yevamwe mubato ravo iyo yanga yawandisa yevanga vachiti VaBiden vabude musarudzo zvichitevera kutatarika kwavakaita pagakava ravakaita nevari kumirira bato remaRepublican musarudzo iyi, VaDonald Trump, musi wa 27 Chikumi.

Kubuda musarudzo kwaVaBiden uku kuri kuuya kwasara mwedzi mina chete kuti sarudzo iyi iitwe.

VaBiden vanonzi vabva vazivisa kuti vari kutsigira mutewedzeri wavo, Amai Kamala Harris, kuti vave ivo vachakwikwidzana naVaTrump musarudzo yemutungamiri wenyika iyi.

VaBiden vati vane hurongwa hwekupedzisa nguva yavo yekutungamira nyika yasara, iyo inopera musi wa 20 Ndira, 2025.

Vachinyora padandemutande ravo re"X” iro raimbonzi Twitter, VaBiden vati, “Rwanga rwuri ruremekedzo rwangu rwehupenyu hwese kwekuti ndikushandireyi semutungamiri wenyu.

"Uye kunyange hazvo hwanga huri hurongwa hwangu hwekuti nditsvage kusarudzwa zvakare, ndinofunga kuti zvakanakira bato rangu nenyika kuti ndibude musarudzo ndonangana nekuzadzisa mabasa angu semutungamiri wenyika kwenguva yangu yasara.”

Hazvisati zvazivikanwa kuti vanga vachiti VaBiden vabude musarudzo iyi vachatambira here kutsigirwa kwaAmai Harris naVabiden uku.

Gungano reDemocratic National Convention rekudoma zviri pamutemo achakwikwidza akamirira bato iri musarudzo yemutungamiri wenyika richaitwa kuChicago mudunhu reIllinois kubva musi wa 19 kusvika musi wa 22 Nyamavhuvhu 2024.

Nhengo dzeBato reRepublican muAmerica Dzoungana neMuvhuro muMilwaukee Kudoma Zviri paMutemo Achamirira Bato muSarudzo yeMutungamiri weNyika

Vachamirira bato reRepublican musarudzo yemutungamiri wenyika, VaDonald Trump.
Vachamirira bato reRepublican musarudzo yemutungamiri wenyika, VaDonald Trump.

Gungano rebato remaRepublican muAmerica, kana kuti Republican National Convention, riri kutanga neMuvhuro uno mudunhu reMilwaukee apo pachadomwa zviri pamutemo VaDonald Trump semunhu achamirira bato iri musarudzo yemutungamiri wenyika ichaitwa muna Mbudzi gore rino.

Pamusangano uyu, uyo uchaitwa kwemazuva mana kusvika musi weChina, ndipowo pachasarudzwa munhu achatewedzera VaTrump musarudzo, kana kuti running mate.

Izvi zviri kuuya zuva rimwe chete VaTrump vapfurwa muchiitiko chekuedza kuvauraya chakaitika mudunhu rePennsylvania neMugovera.

Vanoongorora zvematongerwo enyika uye vakambove sachigaro webato reZanu PF mudunhu reNorth America, Dr. Frenk Guni, vanoti vanoona sekunge gungano iri richangosimbisa humiriri hwaVaTrump pachitariswa chiitiko cheMugovera ichi.

Dr. Guni vanotiwo vanoona sekunge VaTrump vachangonzi vasarudze munhu wavanoda kushanda naye zvineyi nekuti chii chaachaunza musarudzo iyi sezvinombotariswa mune mimwe misangano yadai.

Asi vanoti pachapera musangano uyu vanoona sekuti mapato maviri makuru anokwikwidzana aya anoti reDemoctratic neRepublican achange achi nakurirana nyoka mhenyu pamusoro pekupfurwa kwaVaTrump.

Nhengo zviuru zveviri nemazana maza ndidzo dzinotarisirwa kupinda mumusangano uyu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VaBiden naVaTrump Vodzoka muKutsvaga Rutsigiro Mushure meGakava

VaJoe Biden naVaDonald Trump
VaJoe Biden naVaDonald Trump

Vari kukwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika muAmerica, VaJoe Biden naVaDonald Trump vadzoka mukutsvaga rutsigiro zvichitevera gakava ravo rekutanga svondo rapera.

Kutatarika pane dzimwe nguva kwaVaBiden mugakava iri kwaita kuti dzimwe nhengo dzebato ravo dzitange kutsvaga kuti ndiyani angavatsiva achimirira bato ravo musarudzo.

VaDonald Trump vebato reRepublican naVaJoe Biden vebato reDemocrats vakadzoka mukutsvaga rutsigiro zvichitevera gakava rekutanga resvondo rapera, VaBiden vachitarisira kusimbisa vatsigiri vavo kuti vakagadzirira kutonga kweimwe mamwe makore mana zvichitevera kusaita kwavo zvakanaka mugakava iri.

VaBiden vakati, “Ndinokuvimbisai neshoko rangu saBiden, ndingadai ndisiri kukwikwidza zvakare dai ndanga ndisingatendi nemwoyo wangu wese nemweya wangu. Ndinokwanisa kuita basa iri zvechokwadi, zvatiri kurwira zvakanyanya kukura.”

Hurongwa hwaVaBiden hwekuunganidza mari yekushandisa musarudzo hwemukupera kwesvondo wakave mumwe mukana wechikwata chavo kupikisa kushushikana kuri mune dzimwe nhengo dze Democratic Party dziri kuti kukundikana kwavo mugakava kunoreva kuti dzinofanirwa kutsvaga mumwe achamirira bato mutsva.

Mukuru wechikamu chezvematongerwo enyika, cheCenter for Politics, paUniversity of Virginia, VaLarry Sabato vanoti, “Dai panga paine mutsva, ane simba, wechidiki ari kumirira bato reDemocratic, ndinofunga kuti vanhu vaitora mukana uyu munguva isipi kudzivirira VaTrump kunze.”

VaTrump vakati gakava iri rakaratidza kuti sarudzo dzegore rino isarudzo pakati pesimba nehutera.

VaTrump vakati, “Mubvunzo unofanirwa kunge wese achavhota achizvibvunza nhasi hausi wekuti Joe Biden anopona here maminitsi makumi mapfumbamwe ekukakavara, asi wekuti America inopona here mamwe makore mana aJoe Biden asina kutwasuka ari mumuzinda weWhite House.”

VaTrump vakaudza musangano wekutsvaga rutsigiro kuti vanofunga VaBiden vacharamba vachikwikwidza sarudzo.

“Vanhu vakawanda vari kuti zvichitevera gakava remanheru adarika Joe Biden ari kubuda kumakwikwi. Asi chokwadi chiripo ndechekuti, handinyatsotenda hangu mazviri nekuti anokunda vamwe vose musarudzo vebato reDemocrats vavari kutaura nezvavo.”

Vamwe vemubato reDemocrats vari kutaurwa mubato iri kuti vangangotsiva vaBiden ndevari kuvatevedzera musarudzo vari mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Kamala Harris, gavhuna wedunhu risina bato ringanzi ndiro rinokunda reMuchigan VaGretchen Whitmer, gavhuna weCalifornia VaGavin Newsom, Gavhuna weKentucky VaAndy Beshear, nagavhuna weIllionis VaJ. B. Pritzker.

Panhengo dzeDemocratic Party idzodzo hapana ari kuti anoda kutsiva VaBiden. Kuchinja vari kukwikwidza pamberi pegungano rebato ravo muna Nyamavhuvhu kunoda VaBiden vabuda mukukwikwidza.

VaSabato veku University of Virginia vanoti, “Vanofanirwa kutoenda kuWhite House vonoedza kuvaonesa (VaBiden) kuti vabude mukukwikwidza, uye vanogona kunetsa kugutsikana nazvo. Uye vanofanirwa zvakare kugutsa Jill Biden. Uye izvi zvinogona kutooma zvakanyanya.”

Mudzimai wemutungamiri wenyika vakaudza musangano wakaitwa mushure megakava kuti murume wavo ndiye munhu akakodzera muAmerica kudarika vamwe vose.

Amai Biden vakati, “Zvamakaona manheru adarika pagakava aive Joe Biden, mutungamiri ane kuvimbika uye hunhu akataura chokwadi. Uye Donald Trump akataura manyepo mushure memanyepo nemanyepo.”

Zvakabuda musarudzo mushure megakava dzakaitwa neCBS News zvinoratidza kuti maDemocrats anovimba kuti VaBiden vanofanirwa kuramba vari munhu ari kumirira bato musarudzo.

Magungano (conventions) emapato ezvematongerwo enyika ndiwo ane basa kune vanovhota kudarika makaka, sekutaura kwemudzidzisi wezvematongerwo enyika paMarquette University, Muzvinafundo Julia Azari.

“Tsvakurudzo dzemhando yepamusorosoro dzenzira dzechizvinozvino mune zvematongerwo enyika pamusoro pekuti ndezvipi zvinoita kuti munhu avhote uye zvichiita sezvinoenderera mberi kuratidza mavhotero evanhu muna Mbudzi dzinoratidza kuti magungano ane basa, asi makakava haana.”

Chikwata chiri kutsvagira VaBiden rutsigiro chakaita musangano weparunhare nenhengo dzeDemocratic National Committee mushure megakava pamusoro pegungano riri kuuya muna Nyamavhuvhu.

Dzimwe nhengo dzekomiti dzakapinda mumusangano wepanhare uyu dzakaudza sangano renhau reAssociated Press kuti musangano uyu wakanyanya kutarisa nzira yaVaBiden yekuti vasarudzwe zvakare uye hauna kuita hany’a nekushoropodzwa kwemabatiro avakaita gakava.

Nyaya iyi maipiwa nemutori wenhau weVOA News, Scott Stearns, makaiverengerwa naJonga Kandemiiri weVOA Studio 7.

Pamberi peGakava reVachakwikwidza, Zvikwata zvaVaTrump naVaBiden Zvomira neNyaya Huru Dziri kutsviriridza muAmerica

Vari kukwikwidzana mugakava remutungamiri wenyika muAmerica, VaTrump naVaBiden.
Vari kukwikwidzana mugakava remutungamiri wenyika muAmerica, VaTrump naVaBiden.

Nyaya inotevera inobva kumutori wenhau weVOA News Veronica Balderas Iglesias muchiiverengerwa naJonga Kandemiiri.

Gakava rekutanga pamakakava maviri evari kukwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika muAmerica, kana kuti debate, riri kuitwa nemusi weChina svondo rino.

Asi mashoko ekutsvaga rutsigiro ari kushandiswa nevari kukwikwidza akanangana nenyaya dziri kutsviriridza dzakadai seyekupinda kwevanhu munyika neyekuwanikwa kwevaive mutungamiri wenyika, VaDonadl Trump vaine mhosva panyaya yekubhadhara mumwe mudzimai mari vachiviga nyaya dzebonde dzatove kutsviriridza nechakare.

America ichamirira kusvika nemusi weChina kuti izive kana kuwanikwa vaine mhosva kwaVaDonald Trump kuchashandiswa senzira yekuvarwisa nayo pagakava iri nevavari kukwikwidzana navo vachimirira bato rema Democrats vari mutungamiri wenyika ari kutsvaga kusarudzwa zvakare, VaJoe Biden.

VaMitch Landrieu, mumwe wemasachigaro echikwata chiri kutsvagira VaBiden rutsigiro nyika yose vakatotaura pamusoro penyaya iyi apo vakabuda paterevhizheni yenhepfenyuro yeNBC neSvondo muchirongwa “Sanganayi neVatori veNhau.”

VaLandrieu vakati, “Asi hazvisi zvekungodaidza Donald Trump kuti musungwa chete, zvinoenda kumaitiro ake, uye zvinoenda kuhunhu hwake. Rangarirai, akanyoresa kuti abhuroka kanosvika katanhatu. Zvinoreva kuti haasingori chete muzvinabhizimusi akashata. Zvinoreva kuti akatokanganisira vadiki vose vaivimba naye kuti vararame.”

VaTrump vanoramba zvipomerwa izvi. Uye vakavimbisa kupikisa kuwanikwa kwavo vaine mhosva nematare.

VaJoe Biden naVaDonald Trump
VaJoe Biden naVaDonald Trump

Apo VaBiden vanga vachigadziririra gakava revari kukwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika riri kuuya iri vasiri kuonekwa, VaTrump vakasarudza kupinda mundima vachitsvaga rutsigiro mukupera kwesvondo.

Vakaonekwa muWashington nePhiladelphia. Havana kumboviga chidokwadokwa chavo chekuda kupinda mugakava, nedzimwe nguva vachibvunza vatsigiri vavo kuti vozvibata sei kana vave kusangana naVaBiden.

VaTrump vakati, “Ndooma musoro nekuchenama here ndichingoti ndiwe mutungamiri akaipisisa munhoroondo, kana kuti ndove munhu akanaka ndodzikama ndichirega achitaura? Toenderana zvakaenzana here? Ndooma musoro here?”

Vangangomirira bato reRepublican musarudzo yemutungamiri wenyika ava vakashandisawo musangano weMugovera kuyeuchidza vavhoti nepavamire panyaya yevauyi vasina magwaro ekuve munyika.

VaTrump vakati, “Saka kubva zuva rekutanga, tichatanga chirongwa chekuburitsa vanhu chikuru kudarika zvose munhoroondo yeAmerica. Hatina imwe nzira.”

VaBiden vakaparura chirongwa chinoomesera vanotsvaga hupoteri kumuganho wenyika uri kuchamhembe.

Asi vakafukunurawo svondo rapera hurongwa hunopa nzira kune vasina magwaro asi vakaroorana nezvizvarwa zveAmerica. Pavakabuda panhepfenyuro yeNBC, mumwe wemasachigaro ekomiti iri kutungamira kutsvagira VaBiden rutsigiro akapomera mhosva yemamiriro ezvinhu pari zvino kuna VaTrump nebato reRepublican.

VaMitch Landrieu vakati, “Muganhu wenyika uri mudambudziko. Uye zvanga zvakadaro munyika muno kwemakore makumi maviri kana makumi matatu adarika. VaJoe Biden pazuva rekutanga, zuva rekutanga, vakatumira hurongwa hwakadzama huri pamusoro pevabvakure kudare reCongress. Asi (vekongiresi) havana chavakaita nezvazvo.”

Kunze kwenyaya yekupinda kwevanhu munyika, zvinotarisirwa kuti VaBiden naVaTrump vachabvunzwa mibvunzo iri pamusoro pedzimwe nyaya dzakawanda dzinonetsa pagakava rekutanga richaitwa nenhepfenyuro yeCNN musi wa 27 Chikumi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Iyo yanga iri nyaya yabva kumutori wenhau weVOA News Veronica Balderas Iglesias yamaverengewa neni Jonga Kandemiiri weVOA Studio 7.

VaBiden, VaTrump Votsvaga Rutsigiro muVavhoti veChitema paZororo reKupedzwa kweHutapwa, reJuneteenth

VaTrump naVaBiden
VaTrump naVaBiden

Musi wa 19 Chikumi izuva rezororo muAmerica rinozivikanwa seJuneteenth, iro rinocherechedza zuva remugore ra1865 apo pakapera hutapwa mumatunhu akambenge abuda mumubatanidzwa wemamwe matunhu emuAmerica, kana kuti Confederate States, munguva yekurwisana kwezvizvarwa zvemunyika iyi.

Mukutsvaga rutsigiro musarudzo yemutungamiri wenyika muAmerica iriko gore rino, vari kukwikwidza musarudzo VaJoe Biden naVaDonald Trump vose vari kuenda kuvavhoti vechitema munguva yeJuneteenth.

Mutungamiri wenyika, VaJoe Biden vebato reDemocrats, vakaita konzati kumuzinda weWhite Haouse yekucherechedza Juneteenth zuva iri risati rasvika.

VaBiden vakati, “Nhoroondo yedu haisingori yekwatakabva, ine ranhasi neremangwana redu." Vakatiwo, "Chakakosha ndechekuti remangwana iri nderedu tese, kwete revashoma vedu.”

VaBiden vakati vavari kukwikwidzana navo musarudzo vari kuedza “kunyora patsva nhoroondo." Vanotizve, "Pane zvipoko zvitsaru zvakapfeka nguwo itsva zviri kuedza kutidzosera kumashure."

Vakaenderera mberi vachiti, "Zvakadaro, vari kutora rusununguko rwenyu, kuomesera vatema kuti vasavhota, kana kuti vhoti yenyu iverengwe." Vatizve, "Kuvhara mikova yemikana. Kurwisa kukosha kwekusiyana kwetsika nemagariro, pamwe nekushanda pamwekushandidzana.”

Chikwata chiri kutungamira kutsvagira VaDonald Trump rutsigiro chakaparura hurongwa hwakanangana nevatema kuti vavhotere VaTrump, kana kuti “Black Americans for Trump,” neMugovera apo vaimbove mutungamiri wenyika ava vakataura nevavhoti vechitema pane imwe kereke mu Michigan.

VaTrump, avo vari kumirira Republican Party, vakati, “Inharaunda yakakosha zvikuru kwatiri." Vakatiwo, "Taita zvakawanda, ndinotaura izvi, kuvatema kudarika vamwe vatungamiri vese kubva kuna Abraham Lincoln. Chinhu chikuru kwazvo ichocho.”

Vakati vavhoti vari kurasikirwa nemabasa zvichikonzerwa nezvavakati “mamiriyoni evabvakure.”

VaTrump vakati, “Dunhu rose rine miganho. Makanzwa nezvazvo. Asi vari kuuya munharaunda dzenyu uye vari kukutorerai mabasa enyu." Vakati, "Vari kukanganisa rudzi rwechi African American, mushure mezvo, kunenge kwave nerudzi rwechi Hispanic Americans kudarika mamwe marudzi ose.”

VaTrump vakati nharaunda dzevatema dziri kukuvadzwa zvakanyanyisa nekuparwa kwedzimhosva pasi pehurumende yaVaBiden.

"Kuparwa kwedzimhosva kwakawanda kuri muno munharaunda dzevatema wechi African American, uye vanhu vakawanda vanondiona, vanoti, vakuru, tinoda kudzivirirwa.

"Tinoda mapurisa kuti ati dzivirire. Tinoda mapurisa kuti atichengetedze. Hatidi kubirwa kana kubatwa kwiyo kana kurohwa, kana kuurayiwa nekuti tinoda kufamba mumigwagwa kunotenga rofu rechingwa.”

Humbowo hune FBI hunoratidza kuti kuparwa kwedzimhosva kune mhirizhonga muAmerica kwakadzikira munyika yose mumaguta makuru nemadiki.

VaBiden vakati vavhoti vechitema vakaita kuti vasarudzwe makore mana adarika, uye vanoda rubatsiro rwavo zvakare.

“Nekuti vavhoti vechitema muAmerica vakavhota, Kamala neni tave mutungamiri nemutevedzeri wemutungamiri veAmerica, nekuda kwenyu." Vanodaro VaBiden.

Vakatizve, "Uku hakusi kuwedzera mashoko. Nekuti makavhota, Donald Trump ave aimbove mutungamiri wenyika akakundwa. Saka nekuda kwevhoti renyu, nevhoti renyu muna 2024, tichaita kuti Donald Trump akundwe zvakare.”

Makore mana adarika, zvikamu zvisere kubva muzana chete zvevavhoti vechitema ndizvo zvakasarudza VaTrump.

Ongororo ye Pew Research yesarudzo dzegore rino inoratidza kuti zvikamu gumi nezvisere kubva muzana zvevavhoti vechitema zviri kutsigira VaTrump, kukwira kwehuwandu gunogona kuita kuve nemusiyano mumatunhu anonetsa kuziva kuti achakunda ndiani anosanganisira Michigan.

Iyo yanga iri nyaya yabva kumutori wenhau weVOA Scott Stearns, yamaverengerwa neni Jonga Kandemiiri weVOA Studio 7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Rodhai zvimwe

XS
SM
MD
LG