Broadcast Schedule
20:00 - 20:59
LiveTalk: The Connection with Mike Hove
Muchirongwa chedu chevechidiki cheThe Connection nhasi, tichange tichiita hurukuro nezvedanho remutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa rekuwedzera nguva yekuti vanhu vakawanda varambe vachigara mudzimba kuyedza kurwisa chirwere checoronavirus. Asi VaMnangagwa havan kutara zuva chairo richapera chirongwa ichi kunyangwe vakavimbisa kuti vanenge vachiongorora mamiriro ezvinhu mukati memavhiki maviri oga oga. Muchirongwa chedu, tina chiremba Dr Tinotenda Simemeza vachataura nezvenyaya dzehutano. Munyori mukuru musangano revadzidzi reArtuZ VaRobson Chere vachataura nezvedzidzo, VaHope Ndlovu vachataura nezvekushanyirwa kwenyika uye mukuru wesangano rinorwira kodzero dzemadzimai, Muzvare Beatrice Savadye.