Vachitaura neStudio7 pakukumikidzwa kwenzvimbo yakadai mumusha wePumula South, mukuru weSchweppes mudunhu reBulawayo, VaNash Mashavave, vati vakaona zvakakodzera kubatsira kanzuru yeguta reBulawayo nekuziva dambudziko rekushaikwa kwemvura rakatarisana nevagari.