Vasina kuuya vanosanganisira mutungamiriri wenyika, uye vari mutungamiri weZanu PF,VaEmmerson Mnangagwa, Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, mutungamiri weMDC-T, Muzvare Thozozani Khupe, nevamwe.
Vari kukwikwidza kuti vamirire MDC Alliance kuGoromonzi West, VaLuke Tamborinyoka, vanoti mumwe wavo wavari kukukwikwidza naye musarudzo, VaEnergy Mutodi veZanu PF, vadzikisa jego pakutyityidzira vanhu vachishandisa vaimbove varwiri vehondo yerusununguko pamwe nemauto.
Vedzisvondo nemabhizimisi vari kuronga kusangana navose vari kupinda musarudzo yemutungamiri wenyika neChina kuArrupe Jesuit University muHarare nechinangwa chekuti varemekedzane pamwe nekuchengetedza runyararo panguva yesarudzo.
Kunyangwe kwasara masvondo maviri kuti nyika iite sarudzo, komisheni inoona nezvekufambiswa kwesarudzo, yeZimbabwe Electoral Commission, iri kushorwa nevakawanda vanoti iri kutadza kuita basa rayo nemazvo.
Vakafanobata chigaro chemukuru anoona nezvesarudzo kuZec, VaUtoile Silaigwana vakaudza bepanhau re Herald kuti chakange chisiri chokwadi kuti mapurisa ari kuvhota, ukuwo mutauriri wemapurisa, Amai Charity Charamba, vachiti ichokwadi kuti mapurisa aivhota
Sangano reAmnesty International raparura gwaro rezvekodzero dzevanhu rarinoda kuti ritevedzwe nemapato ezvematongerwo enyika kuitira kuti nyika iite sarudzo dzakachena pamwe nekuti munyika muve netsika yekuremekedza kodzero dzevanhu.
Vachitaura apo vaparura gwaro iri, mukuru weZDI, Doctor Pedzisai Ruhanya, vati ongorora yavo yakaratidza kuti hurumende yakawedzera mauto mumaruwa zvichitevera kubviswa kwevaimbove mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, pachigaro nemauto muna Mbudzi.
EU inoti zvakakosha kuti Zimbabwe Electoral Commission iite basa rayo sezvainotarisirwa kuita uyewo kuti basa iri riitwe pachena kuitira kuti vese vari musarudzo vagutsikane nemafambisirwo esarudzo.
Madzimai mana anove vamwe vevanhu makumi maviri nevatatu vari kukwikwidza musarudzo dzemutungamiriri wenyika anoti anoda rubatsiro rwemari rwekuti akwanise kutsvaga vanhu vachaamirira panzvimbo dzekuvhotera pasarudzo dzichaitwa kupera kwemwedzi uno.
Muzinda wemauto unoti hapana mauto ayakatuma kuti aiite zvematongerwo enyika uye vanenge vaona mauto achiita zvematongerwo enyika, vanofanirwa kumhangara kumapurisa eZimbabwe Republic Police pamwe nekumuzinda weZimbabwe Defence Forces, ZDF, kuitirakuti mauto aya asungwe.
Mutauriri wemauto munyika anoti mauto haafanirwe kupindira mune zvematongerwo enyika uye anenge aona mauto achiita izvi anofanirwa kuzivisa mapurisa pamwe nemuzinda wemauto kuitira kuti mauto aya asungwe.
Mumwe wevanhu ava ndiVaJustin Makota veMDC Alliance vekuMasvingo South, avo vanoti vashamiswa nezvaitika sezvo vakamboona zita ravo mugwaro reGovernment Gazette raive namazita evanhu vachakwikwidza musarudzo.
Sangano reCrisis in Zimbabwe Coalition rinoti richautaura nenhengo dzaro dzakaita seElection Resource Centre neZimrights dzinonzi neUnited States Agency for International Development (USAID) dzakashandisa mari zvisizvo.
Zimbabwe Electoral Commission neChishanu yatanga kudhinda mapepa ekuvhotesa kukambani yeReserve Bank, yeFidelity Printers, mamwe mapato ezvematongerwo enyika achiratidza kusagagutsikana nekudhindwa kwemapepa aya.
Nyanzvi munyaya dzemutemo zvakare vari mutungamiriri webato, reBethel Christian Party, VaWillard Taonezvi Mugadza, ndemumwe wevanhu vari kukwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika. Dr Mugadza vanoti kana vakakunda hurumende yavo ichange iine makurukota gumi nemaviri chete.
Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, yakoka vese vachakwikwidza musarudzo dzegore rino kuti vazoona kudhindwa kwemagwaro ekuvhotera musarudzo kana ballots papers kuFidelity Printers neChishanu mangwanani
Mapato ezvematongerwo enyika pamwe nevanoongorora zvematongerwo enyika vanoti kupasa kwebhiri rekuvandudza zvirango zvakatemerwa vamwe vakuru vakuru muZimbabwe kunoratidza kuti America yakazvipira kunatsurudza hukama hwayo neZimbabwe.
MDC Alliance inoti kunyange hazvo paine dzimwe nhengo dzebato reNational Patriotic Front dziri kukwikwidza musarudzo dzakamirira mubatanidzwa uyu, bato reNPF harisati rapinda mumubatanidzwa weMDC Alliance.
Vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti kunyange hazvo paine vanhu makumi maviri nevatatu (23) vachakwikwidza sarudzo yemutungamiriri wenyika, makwikwi chaiwo ari pakati pemutungamiri weZanu PF uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nemutungamiri we MDC Alliance, VaNelson Chamisa.
Rodhai zvimwe