Zanu PF haina kuzoita sarudzo dzayo nhasi dzekutsvaga vanhu vachamirira bato iri m,usarudzo dzichaitwa muna Kurume, ichiti dzava kuitwa mangwana, Chishanu.
Mutevedzeri wemutauriri webato iri, VaGift Ostallos Siziba, vaudza Studio7 kuti vanotarisira kuti nhengo dzavo dzese dzichakunda nekuti ndizvo zviri kudiwa nevanhu vakavhotera vanhu ava musarudzo dza2018
Mamwe masangano anomirira vagari vemuHarare ari kukururidzira veruzhinji kuti vasarudze vamiriri vanogona basa pamwe nekuita zvido zvavo musarudzo dzemakanzura nenhengo dzeparamende dzichaitwa musi wa 26 Kurume.
Zimbabwe Electoral Commission (ZEC) iri kutarisirwa kuva nemakomishina matanhatu matsva ekutsiva makomishina ari kusiya zvigaro zvawo zvichitevera kupera kwetemu yemakomishina aya muna Chikunguru gore rino.
Muchiziviso kunhengo dzebato ravo, murongi wemisangano muZanu PF, VaMike Bimha, vati Zanu PF ichapinda musarudzo dze by-elections nekudaro vese vanoda kumirira bato vanofanira kuendesa magwaro avo kumahofisi ebato iri mumatunhu avo.
Vaimbove mutungamiriri weZimbabwe Congress of Trade Unions, VaPeter Mutasa, ndivo vave sachigaro wesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition mushure mekukunda musarudzo dzaitwa padandemutande nenhengo dzesangano iri nhasi.
Komisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission iri kukoka masangano ese anoda kuongorora sarudzo dzemaby-elections musi wa26 Kurume kuti anonyoresa nekomisheni yavo musi wa22 Kurume usati wasvika.
Vanoongorora zvematongerwo enyika nemapato anopikisa vanoti 2021 igore range rakaoma zvikuru sezvo vanhu vakaramba vachimbunyikidzwa, pamwe nekutyorerwa kodzero dzavo pasina matanho akatorwa munyika inozviti ine hutongi hwejekerere.
Zuva reKisimusi rasvika rikadarika semamwe mazuva vakawanda munyika vachiti vatadza kuita mhemberero sezvavange vakaratirisa nezvikonzero zvinosanganisira kushaya mari pamwe nekutyira kutapurirwa denda reCovid-19.
Zimbabwe nemusi weChitatu yakacherechedza makore makumi matatu nemana pasainwa chibvumirano cheUnity Accord icho chakabatanidza mapato akarwira nyika eZAPU neZANU zvikapedza hondo yeGukurahundi.
Vachitaura panhasi kumusangano wePolitiburo yebato ravo, mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnanngagwa,vakurudzira kuti vanhu vabayiwe vachiti nyika ine nhomba inokwana vese vari kuda kubaiwa.
Zimbabwe iri kuita ongororo yekutsvaga nhomba yekudzivirira Covid-19 inoenderana nevanhu vemuZimbabwe pamweneveAfrica. Ongororo iri iyi kutungamirirwa nerimwe boka remuZimbabwe, reCharles River Medical Group (CRMG) richishanda nemamwe mapazi ehurumende.
Mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, neMuvhuro vakavhura zviri pamutemo chikamu chechimakumi maviri nepfumbabwe cheparamende yevechidiki
Magweta anorwira kodzero dzevanhu eZimbabwe Lawyers for Human Rights (ZLHR) nemusi weChina akanyorera tsamba bazi rezvemukati menyika achiriy ambira kuti rimise hurongwa hwaro hwekuda kumanikidza vanhu kutora maposipoti matsva richiti kutyora bumbiro remitemo.
VaChris Mhike vaudza musangano wekupera kwegore unoitwa nemasangano anomirira vatapi venhau pasi pesangano reMedia Alliance of Zimbabwe kuti vatori venhau vakwanda munyika vari kutadza kushanda zvakanaka sezvo vachiri kumbunyikidzwa nevane masimba munyika. .
Nyanzvi munyaya dzemitemo nesarudzo dzinoti Zimbabwe inokwanisa kuita sarudzo dzakachena chete kana ikatevedza bumbiro remitemo yaro uye kana mauto akasapindira munyaya dzesarudzo nedzematongerwo enyika.
Masangano eGrain Millers Association of Zimbabwe kana neConfederation of Zimbabwe Retailer's, anoti nyika ichange iine chikafu chakakwana panguva yezororo rekisimusi negore idzva.
Masangano anomirira vatori venhau anoti ari kushushikana zvikuru nehurongwa hwehurumende hwekuda kudzika mitemo yakaita seCyber Security and Data Protection Act, Patriotic Act nePrivate Voluntary Organisations Amendment Act achiti hurongwa uhu hunodzorera shure budiriro yange yavepo munyika.
Mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, nhasi vaudza Politburo yebato ravo kuti kuvandudzwa kwemitemo yesarudzo kuri kukurudzirwa hakuna maturo vachiti Zimbabwe yakaisa mubumbiro remitemo zvese zvinodiwa neSADC panyaya yesarudzo.
Sangano reCrisis In Zimbabwe Coalition raendesa gwaro renyunyuto kuhurumende, paramende, pamwe nesangano reFinancial Action Taskforce richitsutsumwa pamusoro pebhiri rePrivate Voluntary Organisation Amendment Bill iro rinoti rine chinangwa chekudzivirira masangano anoshanda akazvimirira.
Rodhai zvimwe