Vakarema mudunhu reMasvingo vari kuchema chema kuti chirongwa chekunyoreswa kuvhota chiri kuitwa neZimabwe Election Commission hachisi kunyatsvovika kwavari, sezvo vari kutadza kusvika munzvimbo dziri kunyoresa nekuda kwematambudziko akasiyana siyana avari kusangana navwo.
Vakuru vebato iri vaitungamiriwa nemunyori mukuru weCCC, VaCharlton Hwende, vakashanyira wadhi iyi nemusi weChipiri pakadzokororwa kusarudzwa kwemumiriri mumwe vakasiya vagadzika VaAleck Tabe.
Vabereki vazhinji vanoti zvikoro zvakawedzera mari yebudiriro kana kuti ruvako kubva hurumende zvayakazivisa kuti zvikoro zvave kuzovhurwa nemusi weMuvhuro.
Nhengo nhatu dze MDC-Alliance dzakasungwa nezuro dzamiswa pamberi pedare redzimhosva nhasi ndokubhadhariswa mari yechibatiso inoita zviuru zvishanu zvemadhora pamunhu kuitira kuti dzitongwe dzichibva kumba.
Nhengo yeMDC Alliance, VaJohn Mupanduki, vapambwa mambakwedza nhasi pamba pavo paNyika Growth point kuBikita muchiitiko chinofungidzirwa kuti chine zvematongerwo enyika mukati.
Vagari vemudunhu reMasvingo vanoti havana kunyatsofara zvakanaka rwendo rwuno vachipemberera kutanga kwegore idzva nepamusana pekuti hurumende yakavhara nzvimbo dzekutandarira pamwe nenzvimbo dzinoungana vanhu vachinamatira kusvika kwegore idzva.
Kuchange kusingadaidzwe anonzwa mangwana apo vatsigiri vemutambo wenhabvu muguta reMasvingo vachange vachiona zvikwata zvavo zviri munhandare mushure memakore maviri kusina mitambo yenhabvu nekuda kwedenda reCovid-19.
Vanhu makumi manomwe nevatanhatu vakabatwa nechirwere cheCovid-19 paMasvingo Teachers College nezuro, uye vamwe vanhu vatanhatu vakabatwa nechirwere ichi mudunhu rose reMasvingo.
Vagari vemudhorobha reMasvingo vari kugara vakabatira hana mumaono zvichitevera kupupararira zvinotyisa kwechirwere cheCovid-1 pachikoro cheMasvingo Teachers College.
Masangano anorwira kodzero dzevanhu anoti haasi kufara nedanho rakatorwa neZimbabwe Electoral Commission (ZEC) rekumbomisa chirongwa chekupinda muvahu kuitira kuti veruzhinji vakwanise kunyoresa kuvhota.
Rodhai zvimwe