Makakatanwa eZviri Kubuda muSarudzo dzeAmerica Oenderera Mberi

  • Jonga Kandemiiri

Vakasarudzwa semutungamiri wenyika VaJoe Biden nemutungamiri wenyika yeAmerica, VaDonald Trump

Kunetsana musarudzo dzemuAmerica kuchiri kuenderera mberi mutungamiri wenyika VaDonald Trump vachiramba kutambira zviri kubuda musarudzo yemutungamiri wenyika, panguva iyo vakasarudzwa semutungamiri wenyika, VaJoe Biden, vatangawo gadziriro yekutungamira hurumende yeAmerica kana vakangonzi chete ndivo vakunda.

VaTrump vane tarisiro yekushandura mamiriro akaita zvinhu pari zvino vachiti sarudzo dzakabirwa mumatunhu akawanda avakakundwa naVaBiden, kunyange hazvo vasina humbowo hwekuti sarudzo dzakabirirwa.

Kana VaBiden vakaramba vari ivo vakunda musarudzo vanenge vachizotarisirwa kutoreswa mhiko musi wa 20 Ndira gore rinouya.

Asi anenge akunda asati atoreswa mhiko, musi wa 06 Ndira gore rinouya dare reCongress richatanga raverenga zvakare zvigaro kana kuti electoral votes kubva kumatunhu ose enyika richibva razivisa zviri pamutemo kuti akunda ndiani.

Chizvarwa cheZimbabwe chiri muVirginia, VaFrenk Guni, vanoti VaBiden vari kutarisirwa kuita zvinofanirwa kunge zvichiitwa neakunda zvekugadzirira hurumende itsva, vachiti nerimwe divi VaTrump vari kuzadzisawo kodzero dzavo dzekupikisa zvabuda musarudzo dzavanopiwa nebumbiro remitemo yenyika yavo.

Asi VaGuni vanoti VaTrump vane nguva pfupi yekuti nyaya dzavo dzinzwikwe pamwe nekugadziriswa nematare edzimhosva sezvo zvichifanirwa kunge zvaitwa panosvika musi wa 08 Zvita gore rino.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaFrenk Guni