Magweta anorwira kodzero dzevanhu anoti ari kufara zvikuru nemutongo waitwa nevatongi vatatu veHigh Court vanoti; Justice Edith Mushore, Justice Happias Zhou naJustice Jesta Charehwa, avo vamanikidza vanga vari mukuru wevatongi vematare edzimhosva, VaLuke Malaba, kuenda pamudyandigere sezvinodiwa nebumbiro remitemo yenyika rakatambirwa nevanhu muna 2013.
Mutongo uyu unotevera chikumbiro chakakwidzwa kudare iri nemukuru weZimbabwe Human Rights NGO Forum, Dr Musa Kika, pamwe nesangano rinomirira magweta echidki reYoung Lawyers Association of Zimbabwe.
Rimwe remagweta ange achimirira VaKika, VaTendai Biti, vati vafara zvikuru nemutongo wanhasi sezvo zvakanga zvaitwa panyaya yaVaMalaba zvanga zviri kunze kwebumbiro remitemo yenyika.
VaKika vatiwo zvinofadza kuti dare ratambira zvichemo zveveruzhinji munyika.
VaBiti vati mutevedzeri waVaMalaba, Justice Elizabeth Gwaunza, ndivo vanofanira kutora matomu kudzamara padomwa mukuru wevatongi vematare mutsva.
Zvichitevera mutongo wekuti VaMalaba havasisiri mutongi zviri pamutemo, Judicial Services Commission, JSC, yabva yadoma Justice Gwaunza kuti vafanobata matomu kudzamara mutongi mukuru mutsva adomwa zviri pamutemo.
Rimwe remwagweta ange achimirira hurumende panyaya iyi, VaThabo Magwaliba, vati vachanzwa kuhurumende kuti vopikisa mutongo uyu here kana kuti kwete.
Gweta guru rehurumende, Advocate Prince Machaya, nemunyori anoona nezvemutemo mubato riri kutonga reZanu PF, VaPaul Mangwana, avo vange varimudare, varamba kutaura pamusoro pemutongo wanhasi.
Nyanzvi munyaya dzemutemo uye vari mutungamiri weNational Constitutional Assembly, VaLovemore Madhuku, vati mutongo uyu unogona kupikiswa uye kana izvi zvikaitika, zvinoreva kuti VaMalaba vanogona kuenderera mberi nebasa sekudomwa kwavange vaitwa nemutungamiri wenyika.
Vatiwo nyaya iyi inogona kugara mumatare kwenguva yakareba nekuti kana mutongo uyu ukapikiswa pachaita dambudziko rekuti ndiana achatonga nyaya iyi sezvo vatongi vose vedare reConstitutional Court nereSupreme Court vakaendeswawo kudare munyaya iyi.
Hapana kana mutongi mumwe chete zvake vanogara mumatare aya vakapikisa nyaya yakakwidzwa mudare neZimbabwe Human Rights NGO Forum pamwe neYoung Lawyers Association of Zimbabwe.
Mutauriri wesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition, VaMarvelous Khumalo, vanoti vatambirawo mutongo wanhasi asi vakati vanoda kuti vana veZimbabwe vave nechekuita nemadomerwo emukuru wevatongi nevatongi vacho.
Kumanikidzwa kwemutongi wematare edzimhosva kuenda kumatare chinhu chekutanga haitika pana VaMalaba kubva nyika yawana kuzvitonga muna 1980.
Mutongo wapihwa nhasi unorevawo kuti zvakaitwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, zvekuwedzera nguva yaVaMalaba vari pabasa, zvakange zvisiri pamutemo.
VaMnangagwa vakatora danho iri mushure mekunge dare Senate ratambira kuvandudzwa kwebumbiro remitemo yenyika.
Mutemo uyu unopa mutungamiri wenyika masimba ekuwedzera nguva yevatongi vematare eConstitutional Court neSupreme Court, izvo zvanzi nedare reHigh Court zvinotyora bumbiro remitemo yenyika rakatanga kushanda muna 2013.