Vabereki vazhinji vanotadza kuwana zvikwanisiro kuvana vavo vane chirwere ichi izvo zvinozoita kuti vana ava vasainda kuchikoro.
Mutauriri wesangano reZimbabwe Association of Doctors For Human Rights, Dr Fortune Nyamande, vanoti Zimbabwe ine vana chiremba vazhinji uye vanhu vakadzidziswa kubatsira vana vane otizimu kunyange hazvo paine zvimwe zvapingaidzo zvavanosangana nazvo munyika.