Gurukota reDzidzo yePasi, VaCain Mathema, Votosvorana neMasangano eVarairidzi

Rural Teachers' Union of Zimbabwe

Mamwe masangano manomwe anonirira vairairidzi, kusanganisira Zimbabwe Teachers Association neZimbabwe Rural Teachers Union, ati haazi kuzobvuma kuvhundutsirwa negurukota redzidzo yepasi, VaCain Mathema, uye ati achavanyorera tsamba mangwana yekuti vaturirane kuti vagadzirise matambudziko akatarisana navarairidzi munyika

Vachitaura mushure memusangano wapindwa nemasango manomwe anomirira varairidzi, mutevedzeri wemutungamiriri wesangano reZimbabwe Rural Teachers Union, VaGibson Mushangu, vati varairidzi vacharamba vachishanda mazuva maviri pasvondo kudzamara zvichemo zvavo zvagadziriswa.

Vati zvichemo zvavo ndezvechokwadi uye havakwanisi kuenda kubasa mazuva ose nekuti mari dzavanotambira hadzichakwani.

Vatiwo havasi kufara negurukota rezvedzidzo yepasi iro, VaCain Mathema, avo vati vanovatyityidzira kuti vachanyimwa mari dzavo dzemihoro kana kudzingwa mabasa kana vakasaenda kumabasa mazuva ese zvevari kuita.

VaGoodwill Taderera veZIMTA vati VaMathema havadi kutaura nevarariridzi asi chavanogona chete kuvavhunditsira kuti vachadzingwa mabasa kana vakatadza kuenda kumabasa mazuva ese sezvavari kuita mazuvano.

Vati varairidzi havasi kuita zvematongerwo enyika asi chavanoda kuti vagutewo nemhuri dzavo.

Paitwawo chisungo chekuti masangano aya acharamba achitaurirana nehurumende kuitira kuti nhunha dzevarairidzi dzigadziriswe.

VaTaderera vati vachaendesa tsamba kubazi rezvedzidzo yepasi vachitsanangura gwara rinofanira kutorwa kugadzirisa matambudziko avo.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi raVaMathema, sezvo vakazivisa kuti havafe vakataura neStudio7.

Masangano aya aumbawo rimwe sangano richange richimirira varairidzi uye vachaita musangano nemusi weMuvhuro apo vachabuda nezita resangano iri.

ZIMTA ndiyo yadomwa kusanobata chinzvimbo chasachigaro wesangano iri.

Asi mamwe masangano matanhatu anomirirawo varairidzi akaita seAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe,ne Progressive Teachers Union of Zimbabwe haana kupinda mumusangano wanhasi achiti haana kukokwa.

Mutungamiriri wePTUZ, Dr Takavafira Zhou, vaudza Studio 7 kuti havabvumirane nemafambisirwo ari kuitwa zvinhu nemasangano apinda mumusangano wanhasi.

Vati vari kuronga musangano nemusi weChishanu wekuzeya kuti matambudziko evarairidzi angagadziriswe sei munyika.

Izvi zvatsinhirwa nemunyori mukuru weARTUZ, VaRobson Chere.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Godwin Mangudya