Veruzhinji muAmerica Voshuvira Kuti VaTrump Vatambidzane Masimba naVaBiden

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Vachangosarudzwa semutungamiri weAmerica, Va Joe Biden, vanoti vari kuenderera mberi nehurongwa hwavo hwekutambidzana masimba kunyange hazvo mutungamiri weAmerica, Va Donald Trump, pamwe nevakuru vakuru muhurumende yavo, vasiri kutambira kukunda kwebato reDemocratic Party.

Gurukota rezvekudyidzana kweAmerica nedzimwe nyika, Va Mike Pompeo, vakaudza vatori venhau nemusi weChipiri kuti pachava nekutambidzana kwemasimba kwakanaka kwehurongwa hwetemu yechipiri yaVaTrump.

U.S. Secretary of State Mike Pompeo

VaPompeo vakataura mashoko aya vari pamuzinda wavo we State Department mu Washington. Asi vakazoramba kubuda pachena pa Fox News kuti vairevesa here kana kuti kwete.

VaBiden vanoti havasi kunetsekana zvakanyanya nenyaya yekuti Va Trump havasi kutambira kukundwa kwavo, asi kuti maitiro aVa Trump anoshoresa zvikuru America.

VaBiden vakati izvi hazvipe chimiro chakanaka kunhoroondo yaVaTrump semutungamiri wenyika.

Va Biden vakataura mashoko aya vari kumuzinda wavo we Wilmington mudunhu re Delaware, uko kuri kushandira chikwata chavo chekutambidzana masimba.

VaBiden vari kutarisirwa kudoma vamwe vanhu vachange vari muhurumende yavo mwedzi uno usati wapera.

Kusvika pari zvino, Va Trump vakwidza nyaya dzakati kuti mumatare mumatunhu akawanda vachiedza kubvisa kukunda kwaVa Biden, kunyange hazvo magwaro ari mumatare achinzi haana humbowo hwakadzama hunoratidza kuti sarudzo hadzina kuitwa nemazvo.

VaTrump vanonzi vari kurambidzawo hurumende yavo kuti ishande nechikwata chaVa Biden chekutambidzana masimba.

Bazi reGeneral Services Administration rakaramba kutambira kukunda kwaVa Biden, izvo zviri kupa kuti chikwata chaVa Biden chisawane mahofisi ehurumende, kushandisa tsambambozha dzehurumende pakuita basa racho, pamwe nekusapihwa mari inosvika mamiriyoni gumi emadhora.

Mwa Hungwe

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muAmerica, Amai Mwaemurei Hungwe, vanoti shuviro yavo ndeyekuti VaTrump vasiye matomhu murunyararo kuitira kuti VaBiden vatange kuumba hurumende yavo vachishandisa midziyo nezvikwanisiro zvehurumende sezvinodiwa nemitemo yenyika.

"Ndiri kushungurudzika nezviri kuitika pari zvino muhurumende yeAmerica. Ndinoshuwira kuti dayi VaTrump vabatanidza vanhu vasiya matomhu zvakanaka sezvo vane vatsigiri vakawanda vanoteerera zvavanotaura. Ndinoshuvira kuti vataure nezvekuchena kwesarudzo uye kuti havana kubirirwa musarudzo kuiitira kuti nyika ienderere mberi," vadaro Amai Hungwe.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuri naAmai Mwa Hungwe