Zimbabwe Inokoka EU Kuti Iongorore Sarudzo Gore Rino?

Muzinda weEuropean Union kuBrussels

European Union, kana kuti EU, inoti yakokwa neZimbabwe kuti izoongorora sarudzo dzichaitwa gore rino.

Mumiriri we EU muZimbabwe, VaPhillipe Van Damme, vanoti chikwata chavo chichasvika munyika neMuvhuro kuzoona mamiriro akaita zvinhu.

VaVan Damme vati vaongorori veEU vanozotarisirwa kusvika muZimbabwe mushure meongororo yechikwata chiri kuuya kuZimbabwe.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rebazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika muZimbabwe.

EU yakapedzisira kuongorora sarudzo dzemu Zimbabwe muna 2002, idzo yakati dzainge dzisina kuitwa zviri pachena.

Izvi zvakatsamwisa hurumende yaVaRobert Mugabe, VaMugabe vachibva vadzinga mukuru wechikwata che EU, VaPierre Schori.

Imwe nyanzvi inoshanda neCrisis In Zimbabwe, VaJoy Mabenge, vaudza Studio7 kuti zvinofadza chose kuti Zimbabwe yave kukoka vayange isisawirirane navo.

“Kukokwa kwaitwa sangano reEU kuri kuratidza kuti Zimbabwe yavemugwara rekuda kugadzirisa zvinhu zvekudyidzana kwainoita nedzimwe nyika uyezve nemamwe mapoka pasi rose sezvo yange ichitorwa senyika yakatsveruka,” vakadaro VaMabenge.

“Asi tinozotenda zvaitika nekuti sarudzo dzinogona kuitwa avo vanogona kudanwa asi hazvirevi kuti kudanwa kwavo ndiko kuchaita kuti sarudzo dzichange dzichiitwa munezvakanaka,” vadaro VaMabenge.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJoy Mabinge