Hurumende Yokurudzirwa Kuferefeta Huori Hunonzi Huri Kuitwa naVaTagwirei

Zimbabwe President, Emmerson Mnangagwa

Vanhu vakawanda munyika vari kukurudzira hurumende kuti iongorore zvakadzama mafambisirwo ari kuitwa mari nemakambani amuzvinabhisinesi, VaKudakwashe Tagwirei, zvichitevera ongororo yakaburitswa svondo rino nesangano reThe Sentry, iyo inoti VaTagwirei vane dandemutande remakambani anofambisa mari nenzira dzisina kujeka.

Ongororo yakaitwa nesangano reThe Sentry rekuAmerica inoratidza kuti VaTagwirei, avo vanova chipangamazano chemutungamiriri wenyika, uye vari hama yaVaEmmerson Mnangagwa, vanopihwa basa nehurumende pasina kutevedzwa mitemo uye vanoshandisa makambani avo akawanda emuZimbabwe nekunze kwenyika kuita mabhizinisi pamwe nekufambiswa kwemari nenzira dzisina kujeka.

The Sentry inoti VaTagwirei, avo vane makambani makumi mana anosanganisira anoita zvemanhando dzemoto, migodhi, kutakurwa nekufambiswa kwezvinhu, kutengesa nekutenga zvinhu kunze kwenyika, vanoshandawo muchivande nevamwe vana muzvinabhizimisi kunyika dzakaita seSouth Africa, Mauritius neCayman Islands, inova nzvimbo iri pasi pe British Overseas Territory, uko vanoisa mari yavanowana kumabhanga ari muCayman Islands.

Nzvimbo iyi inoshandiswa nana muzvinabhizinesi vakawanda kuviga mari dzavo. Sangano revatori venhau vanoferefeta huori pasi rose, reInternational Consortium of Investigative Journalists rakaburitsa huori hunoitika muzvitsuwa zvakawanda zvinosanganisira Cayman Islands apo rakaburitsa magwaro aro ePanama Papers.

Nyika dzakawanda dzinorasikirwa nemari kuburikidza navana muzvinabhizinesi vanoviga mari dzavo munzvimbo dzakadai, izvo zvinoita kuti vasabhadhare mitero yemari dzavanenge vawana.

VaTagwirei, avo vakatemerwa pamwe nekambani yavo yeSakunda Holdings zvirango zvehupfumi neAmerica muna 2020, vanonziwo vanowirira nevakuru vakuru muhurumende kusanganinsira muchiuto nekuvasori pamwe nemakambani ehurumende.

The Sentry inoti muna 2019, VaTagwirei vakabhadhara mamiriyoni akawanda emadhora kune imwe kambani yemauto eZimbabwe kuitira kuti kambani yavo, yeLandela Mining Ventures, ikwanise kutenga zvikamu makumimashanu kubva muzana zvekambani yeGreat Dyke Investments, inochera platinum pamwe nekambani yekuRussia.

Gwaro iri rinotiwo, VaTagwirei ndivo mukuru wekambani ine zvikamu makumi matatu nezvishanu kubva muzana zvekambani yehurumende, yeKuvimba Mining House.

The Sentry inoti gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, vanoramba mashoko aya.

Zvinonziwo imwe yemakambani avo makumi mana, Sakunda Holdings US1.6 billion nehurumende kuti itenge zvinhu zvakawanda zvino sanganisira goridhe, mabhazi, nemishonga yekuchesnesa mvura uye izvi zvakaitwa zvisina kujeka.

Kambani yaVaTagwirei inonzi ine zvikamu makumi matatu nezvishanu kubva muzana zvekambani yehurumende ine migodhi yakawanda munyika, yeKuvimba Mining House, zvisina kujeka.

The Sentry inoti mapazi ehurumende akaita semapurisa, paramende neAnti Corruption Commission anofanira kuongorora VaTagwirei nemakambi avo.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Econonic Development Research Institute of Zimbabwe, Dr Prosper Chitambara, vati kunyange hazvo vasina humbowo pane zviri mugwaro reThe Sentry, zviri kuitika izvi zvinokanganisa chimiro chenyika.

VaChitambara vati chingava chinhu chakanaka kuti hurumende iongorore nyaya iyi uye kuti zvirongwa zvese zvekupa vanhu mighodi kana mabasa ehurumende zviitwe pajekerere vachiti izvi zvinoita kuti vanhu vasununguke kusima mari dzavo munyika.

Gweta zvekare vari mukuru wesangano reHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vaudza Studio7 kuti munhu wese munyika anoda kuziva kuti sei VaTagwirei vari ivo vega vanowana mukana wekuita bhizimisi nehurumende kana kutenga migodhi munyika.

Asi vanoongorora nyaya dzehupfumi vakazvimirira, VaMasimba Manyanya vaudza Studio 7 kuti VaTagwirei vanoita chitsotsi chepamusoro zvekuti hapana anogona kubata huwori hwavo muZimbabwe.

Asi nhengo yeparamende inomirira Norton, VaTemba Mliswa, vaudza Studio 7 kuti zvakakosha kuti vese vane humbowo hwezvakaipa zviri kuitwa naVaTagwirei vaunze humbowo uhu vachiti vamwe vari kungovenga VaTagwirei.

VaMliswa, avo vaive mumakomiti eparamende akamboongorora VaTagwirei panyaya dzeCommand Agriculture, vati hapana chakashata kuti hurumende itsigire vanamuzvinabhizimisi vemunyika, zvikuru sei kana nyika yakatemerwa zvirango seZimbabwe.

VaMliswa vanonziwo vane hukama naVaTagwirei.

Hatina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi sezvo bazi rezvemari range richiri kuzeya gwaro reThe Sentry.

Hatinawo kukwanisa kunzwa divi rebhanga guru renyika sezvo gavhuna webhanga iri, Dr John Mangudya, vange vasiri kudaira nharembhozha yavo uye mukuru anoona nezvekubuitswa kwemashoko mubhanga iri ange asati apindura mibvunzo yedu.

Hatinawo kunzwa kubva kuna VaTagwirei sezvo nhare mbozhayavo yange isiri kuita.

Gwaro reThe Sentry rinoenderana neimwe ongororo yakaitwa nebepanhau rekuSouth Africa pamwe neparamende yeZimbabwe.

Gwaro iri rinokurudzira nyika dzakabudirira kuti dziomesere mabhanga ari kushandiswa nevanhu vakaita saVaTagwirei mukaviga mari dzinofanirwa kunge dzichibhadhara mitero inozoshandiswa mukusimudzira nyika.