Vashandi vanoti vave nemakore mashanu vasina kuwedzerwa mari uye vanotiwo nezuro vakaita musangano nevashandirwi asi hapana chakabuda.
Munyori wesangano reZimbabwe banks and allied Workers Union uye vachitungamirawo Zimbabwe Congress of Trade Unions, VaPeter Mutasa, vaudza Studio 7 kuti vashandi havana kuwedzerwa mari kwemakore mashanu zvekuti mari yavari kutambira haichisina chainobatsira.