Mumwe mubereki uyo asina kuda kudomwa nezita, akatambira chiziviso chedanho iri kubva kuchikoro chemwana wake nezuro. Ati anonzwisisa
chose kuti danho iri rinogona kubatsira kudzivirira kutekeshera kunogona kuramba kuchiita chirwere checCovid-19 asi ati zvinodhurira vabereki.
Mutauriri webazi rezveutano VaDonald Mujiri vati hapana zvavange vachikwanisa kutaura nezvenyaya iyi sezvo vange vari kunze kwenyika pari zvino.
Nharembozha yemutevedzeri wegurukota rezvehutano Dr John Mangwiri yange isingadavirwe.
Mushure meongoro yakaitwa gore rapera, hurumende yakati vana vane makore gumi nemana zvichikwira vanokwanisa kubayiwa nhomba asi vasingaite zvekumanokidzwa.
Mutungamiri wesangano reZimbabwe Human Rights NGO Forum variwo gweta
rinorwira kodzero dzevanhu Doctor Musa Kika vati mitemo iri kugara ichiitwa
nehurumende pakudzivirira kupararira kwecovid-19 ndiyo inofanirwa
kutevedzerwa kwete zvimwe zviri kunze kwemitemo iyi.