Veruzhinji munyika vanoti vasuwiswa zvikuru nekushayika kwemutungamiri wesvondo yeSynagogue Church Of All Nations, Prophet TB Joshua, avo vakashayika neMugovera.
Svondo yeSynagogue Church Of All Nations, kana SCOAN, yakazivisa nezuro nezvekushaya kwemutungamiri wesvondo iyi, Prophet Tomitope Balogun Joshua, avo vanga vachizvikanwa nekunzi Prophet TB Joshua.
Veruzhinji muHarare vakaita saAmai Helen Muganhiwa vanogara mumusha weHatfield vanoti vakamboenda kuNigeria kuchechi yeSCOAN vachirwara vakanobatsirwa naProphet TB Joshua. Amai Muganhiwa vati varwadziwa zvikuru nekufa kwaProphet TB Joshua vachiti kufa murairo waMwari.
Mumwe mugari wekuChitungwiza, Muzvare Nelia Zvandasara, vanotiwo Prophet TB Joshua munhu anga achishumira Mwari ari pachokwadi vachiti mazuvano kwazara maporofita enhema. Amai Zvandasara vati Prophet TB Joshua vaiva muporofita aipa tsanangudzo dzezvinhu zvinoitika.
Mutungamiri wesvondo yeTehillarn Christian Network, Bishop Sam Malunga vati varwadziwa nekufa kwaProphet TB Joshua avo vavati vakararama hupenyu hwavo hwese vachishandira Mwari pamwe nekubatsira vanotambura.
Bishop Ancelimo Magaya vesvondo yeDevine Destiny vaudzawo Studio 7 kuti pane zvakawanda zvingadzidzwa neveruzhinji mukufa kwaProphet TB Joshua.
Bishop Magaya vati yave nguva yekuti mumwe nemumwe azvigadzirire denga dzvene rakevakaurudzira vamwe vatungamiri vedzisvondo kuti vatungamidze Jesu Kristu mumabatiro avanoita basa sezvaiitwa naProphet TB Joshua.
Zvichakadai, mufundisi wesvondo yeProphetic Healing and Deliverance Ministries, Prophet Walter Magaya avo vanoti vanga vachiona Prophet TB Joshua sababa vavo vaudza bepanhau reHerald kuti varasikirwa zvikuru nekufa kwaProphet TB Joshua vachiti vaiwanzotaura mambakwedza nguva nenguva vachipangwa mazano naProphet TB Joshua. Vamwe vatiwo varwadziwa nerufu urwi ndiProphet Uebert Angel vanotiwo vaimboshanda nemufi.
Prophet TB Joshua vanga vachiteverwa nevanhu vakawanda pasi rose avo vatevera mharidzo dzavo pachivhitivhiti cheEmmanuel TV.
Mhuri yemushakabvu yati ichazivisa hurongwa hwekuradzikwa kwavo munguva pfupi inotevera. Prophet TB Joshua vasiya mudzimai Evelyn nevana vatatu.
Your browser doesn’t support HTML5
Nyaya Ina Thomas Chiripasi