Gweta Guru Renyika yeAmerica Rinoti Hapana Humbowo Hwekuti Sarudzo dzeMutungamiri Wenyika Iyi Dzakabirirwa

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

VaWilliam Barr naVaDonald Trump

Gweta guru renyika yeAmerica VaWilliam Barr neChipiri vakati hapana humbowo hwekuti sarudzo dzemutungamiri wenyika yeAmerica dzakabirirwa sezviri kutaurwa nemutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump.

VaTrump avo vakakundwa musarudzo naVaJoe Biden vari kuenda kumatare vachipikisa zvakabuda musarudzo asi nyaya dzavo zhinji dziri kuraswa dzichinzi hadzina humbowo hwakakwana.

VaJoe Biden avo vakakunda musarudzo iyi varikuenderera mberi vachidoma makurukota ehurumende yavo idzva apo vari kutarisirwa kugadzwa semutungamiri mutsva muna Ndira gore rinouya.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika Doctor Moses Rumano vanodzidzisa paFriends University kuWinchita, Kansas muno muAmerica vanoti vanetariso yekuti VaBiden vachagadzwa pasina mutauro uye vanoti mashoko egweta guru renyika yeAmerica anoratidza kuti nyika iyi ine hutongi hwejekerere

"Zvino fadza kuti gweta guru renyika yeAmerica VaBarr avo vakagadzwa naVaTrump vanokwanisa kutaura zviri pachena kuti sarudzo hadzina kubirirwa izvo zvinoratidza kuti matare emunyika iyi haateedzere zvinodiwa nemutungamiri wenyika asi zviri pasi pemutemo,"

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Moses Rumano