Vanhu vakawanda muHarare vakatyamadzwa nhasi nekuona motokari dzemauto dzichitenderera mumigwagwa yeHarare.
Asi mutevedzeri wemutauriri weZimbabwe National Army, Lieutenant Colonel Tichafa Mungofa vaudza Studio 7 kuti vanhu havafanire kuvhunduka. Vati, “Izvi tinozviita nguva nenguva, kuona kuti motokari dzedu dzichakanaka here, nekuti masoja angewo achidzidzira zvebasa."
Vaenderera mberi vechiti, "Hapana kana chekufungidzira kuti pane zvinogona kuitika.
Izvi zviri kuuyawo panguva iyo zvinhu zvisina kugadzikana munyika, muZanu-PF muine kukandirana makobvu nematete panyaya yekuti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa votungamira nyika here kusvika muna 2030, pachiregedzwa kuitwa sarudzo dza2028.
Kuonekwa kwemotokari idzi, kwaita kuti vanhu vakawanda vafunge zvegore ra2017, pakatanga kufamba motokari dzechiuto mumigwagwa vachiti vari kukwenenzvera hunyanzvi hwavo asi vakazoguma vapidigura hurumende yamushakabvu Robert Mugabe.
Vakawanda vange vasiri kuziva zvanga zvichiitika nhasi sezvo kusina mashoko akamboturirwa veruzhinji, ane chekuita nekusangana nemotokari dzerudzi urwu mumigwagwa.
VaTendai Reuben Mbofana, vanoshanda nesangano reZimbabwe Network for Social Justice vati, “Nezviri kungoitika munyika, kunyanya mubato reZanu PF, zvanga zvakanaka kuti vanhu vaudzwe kuti mauto achange achizokwenenzvera hunyanzvi hwavo mumigwagwa." Vatizve, "Vakawanda vashamisika kuona mota idzi mumigwagwa, vakati chegore riya chapamha zvekare. Zvichida, dai zvechiuto izvi zvichiitirwa munzvimbo yakavanzika, kwete pajekerere seizvi.”
Gweta, Amai Jacqueline Sande vaudzawo Studio 7 kuti, “Mutungamiri wenyika ndiye ega anokwanisa kuti masoja asimuke achienda kunodzivirira nyika kana kuunza runyararo."
Vaenderera mberi vachiti, "Izvi ndizvo zviri mubumbiro redu remitemo. Zvikasaitika saizvozvo, zvinenge zvichireva kuti mutungamiri uyu anenge achida kubviswa pachigaro zvechisimba. Asi kufara kwamboita vanhu nhasi, kwaratidza kuti havadi mutungamiri aripo, nekuti ruzhinji rwuri kutambura. Saka vanga vachifarira kuti zvichida vave kubviswa.”
Vamwe vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka mubato reZanu-PF zvopa kuti munyika musave nekugadzikana.
Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, VaLazarus Sauti, vanoti, “Chatisati tabata ndechekuti ndiani ari kukuchidzira moto uyu." Vatiwo, "Asi kutaura kuno, manyama amire nerongo muZanu PF. Bato iri rinoratidzika sekuti rave pedyo nekupatsanuka, naizvozvo pangoonekwa motokari dzemauto mumigwagwa, panoita pfungwa yekuti chazoputika. Nyaya yekuwedzera makore ekutonga emutungamiri wenyika, ndiyo iri kunetsa.”
Asiwo, mutauriri weZanu PF, VaChristopher Mutsvangwa vakaratidza kukatyamara pavakabvunzwa nevatori venhau vhiki rapera, pamusoro pemakakatanwa anonzi ari kuitika mubato ravo.
Vakati havana chavaiziva pamusoro pechikwata chinonzi chiri kutsigira mutungamiri weZanu PF, zvekare vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nechimwe chinonzi chiri kutsigira mutevedzeri wavo VaConstatino Chiwenga.
Panonzi pane kunetsana muZanu-PF panyaya yekuti VaMnangagwa voramba vachitungamira here kana kuti kwete. Ivo mbune vakati vari kusiya muna 2028 sezviri mubumbiro remitemo, asi vamwe vanoti vanotenda maruva vadya chakata.
Your browser doesn’t support HTML5
Nyaya Ina Tobias Mudzingwa