South Africa Yowedzera Kushanda kweMagwaro eZEP

Gurukota rezvemukati menyika yeSouth Africa VaAaron Motsoaledi

South Africa yawedzera nemimwe mwedzi mitanhatu kushanda kwemagwaro eZimbabwe Exemption Permits kana kuti ZEP.

Mumashoko kuvatori venhau guurukota rezvemukati menyika muSouth Africa VaAaron Motsoaledi vakati mumwedzi mitanhatu inotevera hapana zvizvarwa zveZimbabwe zvichasungwa kana kumanikidzwa kudzokera kumusha nenyaya yemagwaro aya.

Vati hurumende yeSouth Africa inoti yazviitira kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvikwanise kunyorera kuti zviwane mamwe mavhiza nekukumbira kumbogara munyika iyi zviri pamutemo sezviri mumutemo wekugara munyika iyi kana kuti “Immigration Act.”

Magwaro aya ange achitarisirwa kupera musi wa 30 mwedzi uno. Zvizvarwa zveZimbabwe zvinodarika zviuru zana nemakumi manomwe nemasere kana kuti 178 000 ndizvo zvine magwaro eZEP.

Hurumende inoti zvizvarwa zveZimbabwe zvinosvika zviuru gumi kana kuti 10, 000 zvange zvaudza muzinda weZimbabwe kuSouth Africa kuti zvinoda kudzokera kumusha.