Vamwe vechidiki mazana maviri kubva kuAfrica kusanganisira zvizvarwa zveZimbabwe gumi nezvitatu vakapinda muchirongwa cheNelson Mandela Washington Fellowship kana kuti YALI vasvika muAmerica nhasi.
Vechidiki ava vakabudirira kupinda muchirongwa chinokokerwa nehurumende yeAmerica ichi muna 2021 asi vakatadza kuuya kuAmerica sezvinotarisirwa nekuda kwechirwere cheCovid-19. Vari kutarisirwa kunge vari muAmerica kwemavhiki matatu anotevera.
Terrence Mathe CEO Southern Incineration Services.
Mumwe ari muchirongwa ichi mukuru wekambani yeSouthern Incineration Services, VaTerence Mathe.
Vanoti vanoshanda nezvipatara kuona kuti zvinhu zvinenge zvakashandiswa zvakaita semajekiseni zvapiswa kuti zvisave njodzi kuvanhu.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro na VaTerrence Mathe