Gavhuna weRBZ Doctor John Mangudya vanoti vari kuyedza napose pavanogona kudzikamisa hupfumi hweZimbababwe nekusimbisa dhora remunyika iro riri kuramba richishaya simba zvichienzaniswa nedhora rekuAmerica.
Kushaya simba kwedhora kuri kupawo kuti mitengo yezvinhu irambe ichitawo chamuramba mhuru.
Nhasi pamusika wemukoto dhora rekuAmerica range rotengwa nemadhora anodarika mazana matatu emunyika kana kudarika 1;300.
Pamusika uri pamutemo, dhora rekuamerica riri kutengeswa nemadhora zana nemakumi mana nemashanu kana kuti 1:45.
VaMangudya vaudza Studio 7 kuti chinopa kuti dhora rigadzikana kugadzira zvakawamna zvekutengesa kunze kwenyika uye kusadhinda mari yakawandisa.
Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti zviri nani kuti Zimbabwe ingoshandise hayo dhora remuAmerica.
Asi Doctor Mangudya vati handi wose munhu anokwanisa kuwana madhora ekuAmerica kunze kwevanotenegsa zvinhu kunze kunyanya.