Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Votarisirwa Kukurudzira Kubviswa kweZvirango Pavachataura kuUN Nhasi


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari muNew York kumusangano weUnited Nations General Assembly uye vari kutarisirwa kutaura pamberi pegungano iri nhasi.

VaMnangagwa nechikwata chavo chinosanganisira gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaFreddrick Shava negurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vari kupinda mumisangano yakasiyana siyana kumucheto wemusangano uyu.

Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti VaMnangagwa vachasimbaradza nyaya yekuti zvirango zvibvise uye kutaura kuti vakwanisa kurwisa chirwere cheCovid-19. Vari kutarisirwawo kutaura nyaya yekuti Africa iwane chigaro mudare reSecurity Council reUnited Nations.

Sachigaro weZanu-PF mudunhu reCanada neAmerica VaRegius Vusangano Charumbira vanoti hukama pakati peZimbabwe neAmerica hunenge huri nani zvichiratidzwa nekukokwa kweZimbabwe kumusangano weUnited States Africa Summit uri kuitwa muAmerica muna Zvita.

Asi mukuratidza kuti America haisi hayo kudzora tsvimbo, svondo rapera mumwe mukuru muZimbawe Republic Police Va, vakatemerwa zvirango vachipomerwa mhosva yekutyora kodzero dzevanhu kumbunyikisza vanopikisa.

Vanopikisa vari kuratidzirawo kumusangano uyu vachiti munyika maberekera ingwe sematauriro aVaDavid Siyamupondo veTripple C vari kuratidzirawo.

Ko VaMnangagwa vangakwanise here kuti zvirango zvose zvibviswe, tabata nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vari mukuru weMedia Centre VaEarnest Mudzengi vanoti zvinonetsa kuti America ingobvisa zvirango zvainenge yatemera vanhu pasina chinhu chachinja pazvikonzera zvakapa kuti vatemerwe zvirango.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG